Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 21

21
Munhu akaurawa aingazikanwi anofanira kuyananisirwa
1“Kana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako, pakawanikwa munhu akaurawa akatandavara kusango, kusingazikanwi kuti wamuuraya ndiani, 2ipapo vakuru vako navatongi vako vanofanira kundoyera chinhambo kusvika kumaguta akapoteredza munhu wakaurawa; 3zvino guta riri pedyo nomunhu wakaurawa, vakuru veguta iro vanofanira kutora tsiru remombe, risina kumbobatwa naro, risina kumbokweva pajoko, 4vakuru veguta iro vagoenda netsiru kumupata uno rukova rune mvura inoyerera, usina kumborimwa kana kudyarwa, ndokuvhuna mutsipa wetsiru imomo mumupata; 5vapristi vana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti vamushumire, nokuropafadza vanhu nezita raJehovha; nokuti chirevo chenharo dzose nokukuvadza kwose zvinofanira kutemwa navo; 6zvino vakuru vose veguta iro riri pedyo nomunhu wakaurawa vanofanira kushamba maoko avo pamusoro petsiru rakavhuniwa mutsipa waro pamupata, 7vagopindura, vachiti, ‘Maoko edu haana kuteura ropa iro, nameso edu haana kuriona. 8Imi Jehovha kanganwirai henyu vanhu venyu vaIsiraeri, vamakadzikinura; musatendera kuti ropa risine mhosva rigare pakati pavanhu venyu vaIsiraeri.’ Ipapo vachakanganwirwa ropa iro. 9Saizvozvo unofanira kubvisa ropa risine mhosva pakati pako, kana waita zvakarurama pamberi paJehovha.
Vakadzi vakatapwa
10“Kana uchindorwa navavengi vako, Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavatapa, 11ukaona pakati pavatapwa mukadzi wakanaka, ukamuda, ukada kumuwana ave mukadzi wako, 12unofanira kuenda naye kumba kwako; zvino iye unofanira kuveura musoro wake, nokugura nzara dzake, 13nokurasha nguo dzake dzokutapwa, ndokugara mumba mako achichema baba vake namai vake mwedzi wose; pashure paizvozvo iwe ungapinda kwaari, iwe uve murume wake, iye ave mukadzi wako. 14Zvino kana iwe usingafari naye, unofanira kumurega kuti aende hake kwaanoda; asi haufaniri kutongomutengesa nemari; haufaniri kumuitira sezvinoitirwa muranda, nokuti wakatanga wamunyadzisa.
Nhaka yomwana wedangwe
15“Kana murume achinge ana vakadzi vaviri, mumwe unodikanwa, nomumwe unovengwa, vakamuberekera vana, unodikanwa nounovengwa vose vari vaviri; zvino kana mwanakomana wedangwe ari waiye unovengwa, 16musi waanogarisa vanakomana vake nhaka yake, haafaniri kupa mwanakomana wounodikanwa udangwe, achidarika mwanakomana wounovengwa, iye ari mwanakomana wedangwe chaiye; 17asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.
Mwana asingatereri
18“Kana munhu ano mwanakomana wakasindimara usinganzwi, asingadi kuteerera izwi rababa vake kana izwi ramai vake, usinganzwi kana vachimuranga; 19baba vake namai vake vanofanira kumubata ndokuenda naye kuvakuru veguta rake, nokusuo renzvimbo yake, 20vagoti kuvakuru veguta rake, ‘Mwanakomana wedu uyu wakasindimara, unotimukira, haadi kuteerera izwi redu; unopedza pfuma, nokunwa doro.’ 21Zvino varume vose veguta vanofanira kumutaka namabwe, kuti afe; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako; vaIsiraeri vose vazvinzwe, vatye.
Kuvigwa kwavakaurawa
22“Kana munhu achinge atadza chivi chinofanirwa norufu, akaurawa, ukamusungirira pamuti; 23chitunha chake hachifaniri kuvata pamuti usiku hwose, asi unofanira kumuviga nomusi iwoyo, nokuti munhu wakasungirirwa wakatukwa naMwari; kuti urege kusvibisa nyika yako yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda