Dhuteronomi 18:9-22
Dhuteronomi 18:9-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo. Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi, kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa. Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu. Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo. Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera. Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhi pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.” Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka. Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira. Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo. Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.” Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?” Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.
Dhuteronomi 18:9-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana wasvika munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo. Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n'anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako. Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. “Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo. Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye; sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, “ ‘Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.’ Jehovha akati kwandiri, ‘Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka. Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira. Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo. Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa.’ “Zvino kana iwe ukati mumwoyo mako, ‘Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?’ Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya.
Dhuteronomi 18:9-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana wazosvika munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako rega kutevedzera tsika dzinosemesa dzinoitwa namarudzi avanhu ivavo. Pakati penyu ngaparege kuva nomunhu anopisa mumoto mwana wake, mukomana kana musikana somupiro. Hapafanire kuva nomunhu anoshopera, kana anofembera nemaminimini, kana anoita un'anga hwokududzira mashura, kana munhu akaromba mishonga, kana anoita mapipi, kana kuva svikiro, kana ane shave rouroyi, kana anobvunzira kumidzimu nokuti Tenzi haambodi zvake ani naani anoita zvakaipa zvakadai. Pamusana pezviito zvinosemesa izvozvi Tenzi Mwari wenyu ari kufanokudzingirai marudzi avanhu iwayo. Saka imi rambai muri pachokwadi muchitevera Tenzi Mwari wenyu musina chinongo. “Ndinodaro nokuti ndudzi dzavanhu dzamuri kuzodzinga munyika dzadzo dzinovimba navanofembera vachiita zvemaminimini nevanoshopera, asi imi Tenzi Mwari wenyu haakubvumidzei kuita izvozvo. Tenzi Mwari wenyu achakumutsirai muporofita akaita seni achibva mukati menyu, hama yenyu chaiyo, iyeyo ndiye wacho wokuteerera. “Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’ Tenzi ndokunditi, ‘Zvavataura zvose izvi zvakanaka. Ndichavamutsira muporofita akaita sewe achibva mavari paukama hwavo. Ndichamupa mashoko angu. Achavataurira zvose zvandinoti avaudze. Munhu asingateerere mashoko angu aachataura anozviona neni. Asi muporofita anotaura mashoko muzita rangu, ini ndisina kumutuma kana anotaura mashoko muzita ravamwe vamwari, muporofita iyeyo anofanira kufa.’ Mungadaro mukazvibvunza mumwoyo menyu kuti, ‘Tingazoziva sei shoko rinenge risina kunge rataurwa naTenzi?’ Kana muporofita akataura chinhu muzita raTenzi, chinhu chacho chikarega kuzoitika kana kuzovapo, ndicho chinhu chinenge chisina kutaurwa naTenzi. Muporofita iyeyo anenge akangotaura zvomusoro wake, regai kumutya.
Dhuteronomi 18:9-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana waȿika munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usadzidza kuteʋera ɀinonyaŋgadza ɀendudzi idzo. Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto, kana unoʋuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazaŋgo, kana muroyi, kana ŋaŋga, kana unobvunza maȿikiro, kana muʋuki, kana unobvunza ʋakafa. Nokuti ʋose ʋanoita ɀinhu iɀi ʋanonyaŋgadza Jehova; nokuɗa kweɀinonyaŋgadza iɀi Jehova Mŋari wako unoʋadziŋga pamberi pako. Unofanira kuʋa wakarurama pamberi paJehova Mŋari wako. Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dziʋe dzenyu, dzinoterera ʋanotenda mashura naʋanoʋuka; asi iwe Jehova Mŋari wako haanakukutendera kuita iɀoɀo. Jehova Mŋari wako ucakumutsira muprofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuterera iye; seɀawakakumbira kunaJehova Mŋari wako paHorebi nomusi weʋuŋgano, uciti: Ndirege haŋgu kuzonzwa ɀe inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ʋuye ndirege haŋgu kuzoʋona ɀe mŋoto uyu mukuru, ndirege kufa. Jehova akati kwandiri: Ɀose ɀaʋakareʋa, ʋakataura haʋo ɀakanaka. Ndicaʋamutsira muprofita, unobva pakati pehama dzaʋo, wakafanana newe; ndicaisa mashoko aŋgu mumuromo make, iye ucaʋaʋudza ɀose ɀandinomuraira. Ɀino munhu upi noupi usiŋgatereri mashoko aŋgu, aacataura muzita raŋgu, ndicamubvunza pamsoro paiɀoɀo. Asi muprofita unotaura shoko muzita raŋgu aciɀikudza, riri shoko randisina‐kumuraira kuti aritaure, kana ɀimŋe unotaura muzita raʋamŋe ʋamŋari, muprofita uyo unofanira kufa. Ɀino kana iwe ukati mumŋoyo mako: Ko ticaziʋa seiko shoko risina‐kutaurwa naJehova? Kana muprofita aciŋge ataura muzita raJehova, cinhu ico cikasaitika, cikasaʋa’po, ndico cinhu cisina‐kutaurwa naJehova; muprofita wakaritaura aciɀikudza, haufaniri kumutya.
Dhuteronomi 18:9-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)