Dhuteronomi 18:15-19
Dhuteronomi 18:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera. Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhi pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.” Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka. Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira. Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo.
Dhuteronomi 18:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye; sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, “ ‘Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.’ Jehovha akati kwandiri, ‘Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka. Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira. Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo.
Dhuteronomi 18:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi Mwari wenyu achakumutsirai muporofita akaita seni achibva mukati menyu, hama yenyu chaiyo, iyeyo ndiye wacho wokuteerera. “Handiti musi uya, takaungana paGomo reSinai makakumbira Tenzi Mwari wenyu muchiti, ‘Dai waro tachirega zvedu kunge tichanzwa Tenzi achitaura, kana kuramba tichiona zimoto iri nokuti tingafe.’ Tenzi ndokunditi, ‘Zvavataura zvose izvi zvakanaka. Ndichavamutsira muporofita akaita sewe achibva mavari paukama hwavo. Ndichamupa mashoko angu. Achavataurira zvose zvandinoti avaudze. Munhu asingateerere mashoko angu aachataura anozviona neni.
Dhuteronomi 18:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari wako ucakumutsira muprofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuterera iye; seɀawakakumbira kunaJehova Mŋari wako paHorebi nomusi weʋuŋgano, uciti: Ndirege haŋgu kuzonzwa ɀe inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ʋuye ndirege haŋgu kuzoʋona ɀe mŋoto uyu mukuru, ndirege kufa. Jehova akati kwandiri: Ɀose ɀaʋakareʋa, ʋakataura haʋo ɀakanaka. Ndicaʋamutsira muprofita, unobva pakati pehama dzaʋo, wakafanana newe; ndicaisa mashoko aŋgu mumuromo make, iye ucaʋaʋudza ɀose ɀandinomuraira. Ɀino munhu upi noupi usiŋgatereri mashoko aŋgu, aacataura muzita raŋgu, ndicamubvunza pamsoro paiɀoɀo.
Dhuteronomi 18:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)