Dhanieri 9:1-19
Dhanieri 9:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi, mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe. Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga namadota. Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu ndikareurura ndichiti: “Haiwa Ishe, Mwari mukuru anotyisa, iye anochengeta sungano yake yorudo navose vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, takatadza tikaita zvakaipa. Takaita zvinhu zvakaipa uye takakumukirai; takatsauka tikava kure nemitemo nemirayiro yenyu. Hatina kuteerera varanda venyu vaprofita, vakataura muzita renyu kumadzimambo, machinda edu namadzibaba edu, uye nokuvanhu vose venyika. “Ishe, imi makarurama, asi nhasi takafukidzwa nenyadzi, vanhu veJudha navanhu veJerusarema navaIsraeri vose, vari pedyo navose vari kure, munyika dzose kwamakatiparadzira nokuda kwokusatendeka kwedu kwamuri. Haiwa Jehovha, isu namadzimambo edu, machinda edu namadzibaba edu takafukidzwa nenyadzi nokuti takakutadzirai. Ishe Mwari wedu ndiye ane ngoni uye anokanganwira, kunyange dai takamumukira. Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita. VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi. “Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi. Makazadzisa mashoko akataurwa pamusoro pedu napamusoro pamadzishe edu nokuuyisa pamusoro pedu njodzi huru. Hakuna kumbova nechinhu chakaitwa pasi pedenga rose chakafanana nezvakaitwa paJerusarema. Sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, njodzi iyi yose yakawira pamusoro pedu, kunyange zvakadaro hatina kutsvaka nyasha dzaJehovha Mwari wedu nokutendeuka kubva pazvivi zvedu tichiteerera chokwadi chenyu. Jehovha haana kunonoka kuuyisa njodzi pamusoro pedu, nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pazvinhu zvose zvaanoita; asi hatina kumuteerera. “Zvino, imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu kubva muIjipiti noruoko rune simba uye mukazviitira zita rinogara kusvikira iye nhasi, takatadza, takaita zvakaipa. Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza. “Zvino, imi Mwari wedu, inzwai minyengetero nemikumbiro yomuranda wenyu. Haiwa Ishe, nokuda kwenyu, mutarire nenyasha pamusoro petemberi yenyu yakaparara. Rerekai nzeve yenyu imi Mwari, uye munzwe; zarurai meso enyu muone kuparadza kweguta rakatumidzwa Zita renyu. Hatikumbiri kwamuri nokuda kwokuti takarurama, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. Haiwa Ishe, inzwai! Haiwa Ishe kanganwirai! Haiwa Ishe, inzwai muite! Haiwa Mwari wangu, nokuda kwenyu musanonoka, nokuti vanhu venyu neguta renyu vakatumidzwa Zita renyu.”
Dhanieri 9:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino negore rokutanga raDhariusi mwanakomana waAhasuerosi, worudzi rwavaMedhia, akanga aitwa mambo woushe hwavaKaradhea. Negore rokutanga rokubata kwake ushe, ini Dhanieri ndakanzwisisa mumabhuku kuti makore mangani akanga audzwa muporofita Jeremiya neshoko raJehovha kusvikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusaremu, kuti aiva makore makumi manomwe. Ndikarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, ndakapfeka masaga ndikazvidira madota. Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, ‘Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake, takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakarayira; hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika. Aiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kwezviso zvedu, sapazuva ranhasi; kuvanhu vaJudha, nokuna vagere Jerusaremu, nokuvaIsiraeri vose, vari pedyo navari kure, panyika dzose kwamakavadzingira, nemhaka yokudarika kwavakakudarikirai imi. Aiwa, Ishe, kunyara kwezviso kuri kwatiri isu, kumadzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu, nokuti takakutadzirai. Kuna Ishe Mwari wedu ndiko kune nyasha nokukanganwira, nokuti takamumukira; uye hatina kuteerera izwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe nemirayiro yake yaakaisa pamberi pedu navaranda vake vaporofita.’ Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira. Akasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu navatongi vedu vaititonga, achiuyisa pamusoro pedu chinhu chikuru chakaipa; nokuti pasi pedenga rose hakuna kumboitwa chinhu chakadai chakaitirwa Jerusaremu. Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu. Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake. “Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata. Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza. Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, inzwai kunyengetera kwomuranda wenyu, nezvaanokumbira, muvhenekera nechiso chenyu panzvimbo yenyu tsvene, yava dongo, nokuda kwaIshe. Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu.
Dhanieri 9:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechiposhi raDhariusi mwanakomana waAhasuerusi wechizvarwa chavaMidhi akava mambo paumambo hwavaKaridhea, mugore rake rokutanga kutonga, ini Dhanieri ndakanzwisisa nomumabhuku uwandi hwamakore akanga ataurwa naTenzi nomuromo womuporofita Jeremiya kuti Jerusaremu inofanira kupedza makumi manomwe amakore iri dongo. Ipapo ndakatarisa kuna Tenzi Mwari ndichimutsvaka nomunamato neminyengetero nokutsanya ndakapfeka hanzu dzemasaga ndakazvidira dota. Ndakanamata kuna Tenzi, Mwari wangu ndichireurura ndichiti: “Imi Tenzi, Mwari mukurukuru anotyisa anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena kuvanhu vanomuda vanochengeta mitemo yake; takatadza, takaita zvakaipa, takakanganisa. Takapanduka tikatsaukana nemitemo nemirao yenyu. Hatina kuteerera varanda venyu vaporofita vaitaura nomuzita renyu kumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu uye kuvanhu vose zvavo venyika iyoyi. Imimi Tenzi, ndimi muridzi woururami asi isusu, uso inyadzi dzoga dzoga sezvazviri pari nhasi kuvanhu vokwaJudha kuvagari veJerusaremu nokuIsiraeri yose zvayo vari padyo navari kure chaiko kunyika dzose zvadzo kwamakavadzingira pamusana pounyengedzi hwavakaita kwamuri. Tenzi, kwatiri uso inyadzi dzoga dzoga uye nokumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu pamusana pokuti takakutadzirai. Imimi Tenzi Mwari wedu ndimi muridzi wetsitsi nokuregerera nokuda kokuti isu takakupandukirai tikarega kuteerera zvamakareva imi Tenzi Mwari wedu tichitevera mitemo yenyu yamakatipa nomuromo wavaranda venyu, vaporofita. Isiraeri yose zvayo yakatyora mutemo wenyu ikatsauka ichiramba kuteerera zvaunotaura. Ipapo rushambwa nemhiko zviya zvakanyorwa mumutemo waMosesi muranda waMwari zvakawodzvorerwa patiri pamusana pokuti takakutadzirai. Akatsigira shoko rake reyambiro yake yaakatipa isu navatongi vedu vaititonga nokutiunzira kwaakaita jambwa guru nokuti kwose zvako pasi pedenga hakuna kwakamboitwa zvakafanana nenhamo yakapinzwa Jerusaremu. Jambwa irori rakatiwira sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi. Asi isu hatina kukutetai imi Tenzi, Mwari wedu tichipinduka kuuipi hwedu nokugamuchira chokwadi chenyu. Naizvozvo Tenzi akatichengetera jambwa ndokuriita kuti ritiwire nokuti Tenzi, Mwari wedu akarurama mumabasa ake ose aakaita asi isu hatina kuteerera izwi rake. “Saka zvino imi Tenzi Mwari wedu imi makaburitsa vanhu venyu munyika yeIjipiti nesimba roruoko rwenyu mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno, isu takatadza, takaita zvakaipa. Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri. Saka naizvozvo, imi Mwari wedu, rerekerai nzeve yenyu kumunamato womuranda wenyu nokumunyengetero wake uye muchizviitira iyemi Tenzi pachenyu, cheukaiwo Nzvimbo yenyu Inoera yakadai kuva dongo. Nhai Mwari wangu rerekerai nzeve yenyu munzwe, zarurai maziso enyu muone kuparara kwataita neguta rinodaidzwa nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti kunyengetera kwatiri kuita kwamuri kudai hakusi kuti isu takarurama, asi kuti pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda. Tenzi inzwai Tenzi regererai. Tirimukai muwane zvamungaite, musanonoke zvenyu, muchizviitiremi, Mwari wangu, nokuti guta renyu navanhu venyu zvinodaidzwa nezita renyu.”
Dhanieri 9:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore rokutaŋga raDariusi mŋanakomana waAhasuerosi, worudzi rwaʋaMedia, wakaŋga aitwa mambo woʋushe bgaʋaKardea, negore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, ini Danieri ndakanzwisisa paɓuku kuti makore maŋgani akaŋga aʋudzwa muprofita Jeremia neshoko raJehova kuȿikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusarema, kuti aiʋa makore makumi manomŋe. Ndikarinzira ciso caŋgu kunaShe Mŋari, ndikamutȿaka nokunyeŋgetera nokukumbira, nokuɀinyima ɀokudya, namasaga namaɗota. Ndikanyeŋgetera kunaJehova Mŋari waŋgu, ndikaɀireʋurura ɀiʋi, ndikati: Haiwa, Ishe, Mŋari mukuru unotyisa, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake, takatadza, takaita ɀisakarurama neɀakashata, takakumukirai, tikatsauka paɀireʋo ɀenyu neɀamakaraira; hatina‐kuterera ʋo ʋaranda ʋenyu ʋaprofita, ʋakataura nezita renyu kunamadzimambo eɗu, namacinda eɗu, namadziɓaɓa eɗu nokuʋanhu ʋose ʋenyika. Haiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kweɀiso ɀeɗu, sapazuʋa ranhasi; kuʋanhu ʋaJuda, nokunaʋagere Jerusarema, nokuʋaIsraeri ʋose, ʋari pedyo naʋari kure, panyika dzose kwamakaʋadziŋgira, nemhaka yokuɗarika kwaʋakakuɗarikirai imi. Haiwa, Ishe, kunyara kweɀiso kuri kwatiri isu, kumadzimambo eɗu, namacinda eɗu, namadziɓaɓa eɗu, nokuti takakutadzirai. KunaShe Mŋari weɗu ndi’ko kunenyasha nokukaŋganwira, nokuti takamumukira; ʋuye hatina‐kuterera inzwi raJehova Mŋari weɗu, kuti tifambe nemirairo yake yaakaisa pamberi peɗu naʋaranda ʋake ʋaprofita. Ɀirokwaɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaɗarika murairo wenyu, ʋacitsauka, kuti ʋarege kuterera inzwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakaɗururirwa pamsoro peɗu, nokupika kwakanyorwa mumurairo waMosesi muranda waMŋari; nokuti takamutadzira. Wakasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu naʋatoŋgi ʋeɗu ʋaititoŋga, aciʋuyisa pamsoro peɗu cinhu cikuru cakaipa; nokuti pasi peɗeŋga rose hakuna‐kumboitwa cinhu cakaɗai cakaitirwa Jerusarema. Seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, ɀakaipa iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukumbira tsitsi kunaJehova Mŋari weɗu, kuti titsauke paɀakaipa ɀeɗu nokuŋgwarira ɀokwaɗi yenyu. Naiɀoɀo Jehova wakarindira ɀakaipa, akaɀiʋuyisa pamsoro peɗu; nokuti Jehova Mŋari weɗu wakarurama pamaɓasa ake ose aanoita, asi isu hatina‐kuterera inzwi rake. Ɀino imi Ishe Mŋari weɗu, makaɓuɗisa ʋanhu ʋenyu panyika yeEgipita noruʋoko runesimba, mukaɀiwanira mukurumbira, sapazuʋa ranhasi; takatadza, takaita ɀakashata. Haiwa Ishe, nokuɗa kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyeŋgeterai kuti kutsamŋa kwenyu nehasha dzenyu ɀidzorwe paguta renyu reJerusarema, iro gomo renyu dɀene; nemhaka yeɀiʋi ɀeɗu, ʋuye nemhaka yeɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu, Jerusarema naʋanhu ʋenyu ʋakaitwa cinhu cinoshoʋorwa pakati paʋose ʋanotipoteredza. Naiɀoɀo ɀino, imi Mŋari weɗu, inzwai kunyeŋgetera kwomuranda wenyu, neɀaanokumbira, muvenekere neciso cenyu panɀimbo yenyu tȿene, yaʋa ɗoŋgo, nokuɗa kwaShe. Haiwa, Mŋari waŋgu, rerekerai nzeʋe yenyu, munzwe; ȿinudzai meso enyu, muʋone kuparadzwa kweɗu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatiȿitsi mikumbiro yeɗu pamberi penyu nokuɗa kweɀakarurama ɀeɗu, asi nokuɗa kwenyasha dzenyu huru. Haiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kaŋganwirai; Ishe, tererai, muite; regai kunonoka, nokuɗa kwenyu, imi Mŋari waŋgu, nokuɗa kweguta renyu naʋanhu ʋenyu ʋakatumidzwa zita renyu.
Dhanieri 9:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)