Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 9:1-19

Dhanieri 9:1-19 SCLBD

Mugore rechiposhi raDhariusi mwanakomana waAhasuerusi wechizvarwa chavaMidhi akava mambo paumambo hwavaKaridhea, mugore rake rokutanga kutonga, ini Dhanieri ndakanzwisisa nomumabhuku uwandi hwamakore akanga ataurwa naTenzi nomuromo womuporofita Jeremiya kuti Jerusaremu inofanira kupedza makumi manomwe amakore iri dongo. Ipapo ndakatarisa kuna Tenzi Mwari ndichimutsvaka nomunamato neminyengetero nokutsanya ndakapfeka hanzu dzemasaga ndakazvidira dota. Ndakanamata kuna Tenzi, Mwari wangu ndichireurura ndichiti: “Imi Tenzi, Mwari mukurukuru anotyisa anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena kuvanhu vanomuda vanochengeta mitemo yake; takatadza, takaita zvakaipa, takakanganisa. Takapanduka tikatsaukana nemitemo nemirao yenyu. Hatina kuteerera varanda venyu vaporofita vaitaura nomuzita renyu kumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu uye kuvanhu vose zvavo venyika iyoyi. Imimi Tenzi, ndimi muridzi woururami asi isusu, uso inyadzi dzoga dzoga sezvazviri pari nhasi kuvanhu vokwaJudha kuvagari veJerusaremu nokuIsiraeri yose zvayo vari padyo navari kure chaiko kunyika dzose zvadzo kwamakavadzingira pamusana pounyengedzi hwavakaita kwamuri. Tenzi, kwatiri uso inyadzi dzoga dzoga uye nokumadzimambo edu nokumachinda edu nokumadzibaba edu pamusana pokuti takakutadzirai. Imimi Tenzi Mwari wedu ndimi muridzi wetsitsi nokuregerera nokuda kokuti isu takakupandukirai tikarega kuteerera zvamakareva imi Tenzi Mwari wedu tichitevera mitemo yenyu yamakatipa nomuromo wavaranda venyu, vaporofita. Isiraeri yose zvayo yakatyora mutemo wenyu ikatsauka ichiramba kuteerera zvaunotaura. Ipapo rushambwa nemhiko zviya zvakanyorwa mumutemo waMosesi muranda waMwari zvakawodzvorerwa patiri pamusana pokuti takakutadzirai. Akatsigira shoko rake reyambiro yake yaakatipa isu navatongi vedu vaititonga nokutiunzira kwaakaita jambwa guru nokuti kwose zvako pasi pedenga hakuna kwakamboitwa zvakafanana nenhamo yakapinzwa Jerusaremu. Jambwa irori rakatiwira sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi. Asi isu hatina kukutetai imi Tenzi, Mwari wedu tichipinduka kuuipi hwedu nokugamuchira chokwadi chenyu. Naizvozvo Tenzi akatichengetera jambwa ndokuriita kuti ritiwire nokuti Tenzi, Mwari wedu akarurama mumabasa ake ose aakaita asi isu hatina kuteerera izwi rake. “Saka zvino imi Tenzi Mwari wedu imi makaburitsa vanhu venyu munyika yeIjipiti nesimba roruoko rwenyu mukazviwanira zita sezvazviri nhasi uno, isu takatadza, takaita zvakaipa. Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri. Saka naizvozvo, imi Mwari wedu, rerekerai nzeve yenyu kumunamato womuranda wenyu nokumunyengetero wake uye muchizviitira iyemi Tenzi pachenyu, cheukaiwo Nzvimbo yenyu Inoera yakadai kuva dongo. Nhai Mwari wangu rerekerai nzeve yenyu munzwe, zarurai maziso enyu muone kuparara kwataita neguta rinodaidzwa nezita renyu. Chatinodariro ndechokuti kunyengetera kwatiri kuita kwamuri kudai hakusi kuti isu takarurama, asi kuti pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda. Tenzi inzwai Tenzi regererai. Tirimukai muwane zvamungaite, musanonoke zvenyu, muchizviitiremi, Mwari wangu, nokuti guta renyu navanhu venyu zvinodaidzwa nezita renyu.”

Verenga chikamu Dhanieri 9