Dhanieri 6:1-4
Dhanieri 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose, navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aitsanangura zvose pamusoro pemabasa avo kwavari kuti mambo arege kurasikirwa. Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose. Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari.
Dhanieri 6:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose; pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanieri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa. Zvino Dhanieri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nokuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose. Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanieri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.
Dhanieri 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhariusi akaona chiri chinhu chakanaka chokuti agadze madzishe zana namakumi maviri munyika youmambo hwake kuti vave munyika yose zvayo youmambo ihwohwo. Pamusoro paivava akagadzawo vamwe vatatu kuti vave madzichangamire avo, Dhanieri ari mumwe wavo vaizotumirwa nyaya namadzishe iwayo kuitira kuti mambo asawane chaanorasikirwa nacho. Zvino Dhanieri iyeyu akava munhu mumwewo chaiye akasiyana navamwe vose zvavo pamadzichangamire iwayo namadzishe acho nokuti maari maiva nomweya wakanaka kwazvo kwazvo. Nokudaro mambo akanga aronga kuti Dhanieri ave ndiye changamire wenyika yose youmambo ihwohwo somukurumukuru. Mamwe madzichangamire aye namadzishe aya vakatsvaga pokuti vamutsvate napo vagowanawo mhosva chaiyowo yokupa Dhanieri ichinangana nezvamatongerwo enyika iyoyo. Asi vakashaya mhosva yokupa Dhanieri kana chaaikanganisa nokuti aiva munhu akatendeseka, asina chaaikanganisa kana kutsveyamisa.
Dhanieri 6:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Dariusi wakaʋona kuti ɀakanaka kugadza macinda anezana namakumi maʋiri paʋushe bgake, ʋaifanira kuʋa paʋushe bgose; pamsoro paʋo wakagadza ʋakuru ʋatatu, Danieri ari mumŋe waʋo; kuti macinda awa aʋuye namashoko ose kwaʋari, ʋuye kuti mambo arege kutadzirwa. Ɀino Danieri uyu wakapfuʋura ʋamŋe ʋakuru namacinda, nokuti maari makaŋga munomŋeya wakanaka kwaɀo; mambo akaɗa kumuita mukuru woʋushe bgake bgose. Ipapo ʋakuru namacinda ʋakatȿaka mhoȿa yaʋaŋgapomera Danieri pamsoro poʋushe, asi ʋakashaiwa shoko kana mhoȿa, nokuti wakaŋga akatendeka, ʋuye kwakaŋga kusinakutadza kana mhoȿa kwaari.
Dhanieri 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)