Ɀino Dariusi wakaʋona kuti ɀakanaka kugadza macinda anezana namakumi maʋiri paʋushe bgake, ʋaifanira kuʋa paʋushe bgose; pamsoro paʋo wakagadza ʋakuru ʋatatu, Danieri ari mumŋe waʋo; kuti macinda awa aʋuye namashoko ose kwaʋari, ʋuye kuti mambo arege kutadzirwa. Ɀino Danieri uyu wakapfuʋura ʋamŋe ʋakuru namacinda, nokuti maari makaŋga munomŋeya wakanaka kwaɀo; mambo akaɗa kumuita mukuru woʋushe bgake bgose. Ipapo ʋakuru namacinda ʋakatȿaka mhoȿa yaʋaŋgapomera Danieri pamsoro poʋushe, asi ʋakashaiwa shoko kana mhoȿa, nokuti wakaŋga akatendeka, ʋuye kwakaŋga kusinakutadza kana mhoȿa kwaari.
Verenga chikamu Danieri 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Danieri 6:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo