Dhanieri 5:1-17
Dhanieri 5:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe. Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora. Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika. Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.” Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva. Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika. Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu! Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki. Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.” Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here? Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro. Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira. Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.” Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.”
Dhanieri 5:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana. Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo. Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. Vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe. Zvino nenguva iyeyo minwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora. Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana. Mambo akadanidzira achiti vauye nen’anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.” Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo. Zvino mambo Bheshazari akatambudzika kwazvo, chiso chake chikashanduka maari, namadzishe ake akakanganiswa. Ipapo vahosi vakapinda muimba yomutambo, nokuda kwamashoko amambo naamadzishe ake; vahosi vakataura, vakati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi; pfungwa dzenyu ngadzirege kukutambudzai, chiso chenyu ngachirege kushanduka. Muushe hwenyu muno murume, ane mweya wavamwari vatsvene mukati make; pamazuva ababa venyu chiedza nezivo nenjere, zvakafanana nenjere dzavamwari, zvakawanikwa maari; mambo Nebhukadhinezari, baba venyu, ivo mambo, baba venyu, vakamuita mukuru wavachenjeri nen’anga navaKaradhea navafemberi; nokuti kuna Dhanieri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanieri ngaadanwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.” Ipapo Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Ndiwe uya Dhanieri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here? Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri. Zvino vakachenjera, idzo n’anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi. Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.” Ipapo Dhanieri akapindura akati pamberi pamambo, “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
Dhanieri 5:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Bherishaza akaitira chiuru chamadzimambo ake mabiko makuru kwazvo akanwa waini pamberi pechuru ichocho. Bherishaza paakaravira waini, akatuma vanhu kuti vaunze midziyo yendarama neyesirivha iya yakanga yapambwa naNebhukadhineza baba wake muTemberi kuJerusaremu kuitira kuti iye mambo namadzishe ake nevakadzi vake navarongo vake vanwire mumidziyo iyoyo. Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. Vakanwa waini vachirumbidza vamwari vendarama nevesirivha nevendarira navamwari vesimbi nevezvimiti navamabwe. Pakarepo pakaonekwa minwe yechanza chomunhu chikanyora pakadzururwa pamadziro omuzinda wamambo pakatarisana nechigadzikiro chomwenje. Chanza ichocho pachainyora kudaro mambo aizviona. Mambo akasanduka uso, pfungwa dzikamunetsa mumwoyo, makumbo akarukutika, mabvi ake akarovana nokugwagwadza. Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Vangwaru vose zvavo vokwamambo vakapindamo asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa zvacho kana kuzivisa mambo zvazvaireva. Ipapo mambo Bherishaza akashushikana chaizvo mumwoyo akasanduka uso madzishewo ake zvakavaputsa musoro. Mambokadzi, pamusana pezvakataurwa namambo namadzishe ake, vakapindawo muzimba maipembererwa mabiko iwayo. Mambokadzi, vakapira shoko vachiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Regai zvenyu kunetseka mwoyo nendangariro kana kusanduka uso. Munyika youmambo hwenyu, muno mumwe murume ano Mweya waMwari Anoera Mumazuva aitonga baba venyu, chiedza nokunzwisisa noungwaru, ugwaru hunenge hwaMwari chaihwo zvaiwanikwa maari. Ipapo mambo Nebhukadhineza, baba venyu vakamuita kuti ave ndiye mukuru mukuru wavanhu vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi. Chakadariso ndechichi chokuti mweya wakanaka kwazvo noruzivo, nokunzwisisa zvokududzira hope izvi, nokurapanura zvirahwe, nokunyatsogadzirisa zvinenge zvanetsa, zvaiva muna Dhanieri iyeyo akazenge apiwa namambo zita rokuti Bheritishaza. Zvino Dhanieri ngaadaidzwe agokuratidzai dudziro yazvo.” Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha? Ndakanzwa nezvako iwe zvichinzi Mweya waMwari Anoera uri mauri uye kuti chiedza nokunzwisisa noungwaru hwakanakisisa chaizvo zvinowanikwa mauri. Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva. Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Dhanieri akapindura kuna mambo achiti, “Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu imi; mibayiro yenyu muipe zvenyu kuno mumwe. Asi kukuverengerai, mambo ndichakuverengerai zvakanyorwa izvozvi ndigodudzira zvazvinoreva.
Dhanieri 5:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo Bershazari wakaitira madzishe ake anecuru cezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paiʋo ʋanecuru cezana. Ɀino Bershazari, wakati aɓatwa newaini, akaraira kuti ʋaʋuye nemidziyo yendarama nesirveri, yakaŋga yabviswa naɓaɓa ʋake Nebukadnezari patembere yaiʋa paJerusarema, kuti iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋanwe nayo. Ipapo ʋakaʋuya nemidziyo yendarama yakaŋga yabviswa patembere yeimba yaMŋari yaiʋa paJerusarema; iye mambo namadzishe ake naʋakadzi ʋake naʋaroŋgo ʋake ʋakanwa nayo. Ʋakanwa waini, ʋakarumbidza ʋamŋari ʋendarama nesirveri nendarira neɗare namatanda namabge. Ɀino neŋguʋa iyeyo minwe yoruʋoko rwomunhu yakaʋuya ikanyora pakatarisana necigadziko comŋenje pasuko ramadziro eimba yamambo, mambo akaʋona canza coruʋoko rwakaŋga rucinyora. Ipapo ciso camambo cakashanduka maari, pfuŋgwa dzake dzikatambudzwa, ɀifundo ɀeciʋuno cake ɀikasunuŋguka, mabvi ake akaroʋana. Mambo akaɗanidzira aciti ʋaʋuye neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi. Mambo akataura akati kunaʋakacenjera ʋeBabironi: Aninani uŋgaraʋa iɀi ɀakanyorwa, akandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wake, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. Ipapo ʋakacenjera ʋose ʋamambo ʋakapinda, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuraʋa ɀakanyorwa, kana kuziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ɀino mambo Bershazari akatambudzika kwaɀo, ciso cake cikashanduka maari, namadzishe ake akakaŋganiswa. Ipapo ʋahosi ʋakapinda muimba yomutambo, nokuɗa kwamashoko amambo naamadzishe ake; ʋahosi ʋakataura, ʋakati: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi; pfuŋgwa dzenyu ŋgadzirege kukutambudzai, ciso cenyu ŋgacirege kushanduka. Muʋushe bgenyu munomurume, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; pamazuʋa aɓaɓa ʋenyu ciedza neziʋo nenjere, ɀakafanana nenjere dzaʋamŋari, ɀakawanikwa maari; mambo Nebukadnezari, ɓaɓa ʋenyu, iʋo mambo, ɓaɓa ʋenyu, ʋakamuita mukuru waʋacenjeri neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi; nokuti kunaDanieri, wakatumidzwa Berteshazari namambo, kwakawanikwa mŋeya wakanaka kwaɀo, neziʋo, nokunzwisisa, nokuɗudzira kurota, nokuɓuɗisa mashoko akaʋanzika, nokusunuŋgura fundo. Ɀino Danieri ŋgaaɗanwe, iye ucakuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Ipapo Danieri akaʋuyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Ndiwe uya Danieri, waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, wakandotapxa kuʋaJuda naɓaɓa ʋaŋgu here? Ndakanzwa ɀako, kuti mŋeya waʋamŋari uri mukati mako, ʋuye kuti ciedza neziʋo nenjere kwadzo ɀinowanikwa mauri. Ɀino ʋakacenjera, idzo ŋaŋga, ʋakaʋuyiswa pamberi paŋgu, kuti ʋaraʋe ɀakanyorwa iɀi, ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwaɀo; asi ʋakakoniwa kundiziʋisa kuɗudzirwa kwecinhu ici. Asi ndakanzwa ɀako, kuti unogona kuɗudzira, nokusunuŋgura fundo; ɀino kana ukagona kuraʋa ɀakanyorwa, nokundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ucafukidzwa ŋguʋo tȿuku, nokushoŋgedzwa ʋuketani bgendarama pamutsipa wako, ʋuye ucaʋa muɓati wecitatu paʋushe bgaŋgu. Ipapo Danieri akapindura, akati pamberi pamambo: Garai henyu neɀipo ɀenyu, ipai henyu mumŋe miɓairo yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaraʋira mambo ɀakanyorwa, nokumuziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo.
Dhanieri 5:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)