Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 5:1-17

Dhanieri 5:1-17 SCLB

Mambo Bherishaza akaitira chiuru chamadzimambo ake mabiko makuru kwazvo akanwa waini pamberi pechuru ichocho. Bherishaza paakaravira waini, akatuma vanhu kuti vaunze midziyo yendarama neyesirivha iya yakanga yapambwa naNebhukadhineza baba wake muTemberi kuJerusaremu kuitira kuti iye mambo namadzishe ake nevakadzi vake navarongo vake vanwire mumidziyo iyoyo. Saizvozvo vakaunza midziyo yendarama neyesirivha yakanga yapambwa yacho muTemberi, mumba yaMwari kuJerusaremu. Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake, vakanwira zvavo mairi. Vakanwa waini vachirumbidza vamwari vendarama nevesirivha nevendarira navamwari vesimbi nevezvimiti navamabwe. Pakarepo pakaonekwa minwe yechanza chomunhu chikanyora pakadzururwa pamadziro omuzinda wamambo pakatarisana nechigadzikiro chomwenje. Chanza ichocho pachainyora kudaro mambo aizviona. Mambo akasanduka uso, pfungwa dzikamunetsa mumwoyo, makumbo akarukutika, mabvi ake akarovana nokugwagwadza. Mambo akadaidzira kuti paunzwe vanhu vamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzinofembera nenyenyedzi. Mambo ndokuti kuvangwaru veBhabhironi, “Ani naani zvake anenge agona kuverenga zvakanyorwa apa izvi akandiudzawo dudziro yacho, anofanira kuti apfekedzwe hanzu dzoruvara rwehute ashongedzwe muhuro cheni yendarama, anozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Vangwaru vose zvavo vokwamambo vakapindamo asi havana kukwanisa kuverenga zvakanga zvakanyorwa zvacho kana kuzivisa mambo zvazvaireva. Ipapo mambo Bherishaza akashushikana chaizvo mumwoyo akasanduka uso madzishewo ake zvakavaputsa musoro. Mambokadzi, pamusana pezvakataurwa namambo namadzishe ake, vakapindawo muzimba maipembererwa mabiko iwayo. Mambokadzi, vakapira shoko vachiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Regai zvenyu kunetseka mwoyo nendangariro kana kusanduka uso. Munyika youmambo hwenyu, muno mumwe murume ano Mweya waMwari Anoera Mumazuva aitonga baba venyu, chiedza nokunzwisisa noungwaru, ugwaru hunenge hwaMwari chaihwo zvaiwanikwa maari. Ipapo mambo Nebhukadhineza, baba venyu vakamuita kuti ave ndiye mukuru mukuru wavanhu vamaminimini navamapipi navaKaridhea nenyanzvi dzokufembera nenyenyedzi. Chakadariso ndechichi chokuti mweya wakanaka kwazvo noruzivo, nokunzwisisa zvokududzira hope izvi, nokurapanura zvirahwe, nokunyatsogadzirisa zvinenge zvanetsa, zvaiva muna Dhanieri iyeyo akazenge apiwa namambo zita rokuti Bheritishaza. Zvino Dhanieri ngaadaidzwe agokuratidzai dudziro yazvo.” Dhanieri akaunzwamo pana mambo, Mambo akati kuna Dhanieri, “Handiti iwe ndiwe Dhanieri, mumwe wenhapwa dzokwaJudha vaya vakaunzwa kuno nababa wangu kubva kwaJudha? Ndakanzwa nezvako iwe zvichinzi Mweya waMwari Anoera uri mauri uye kuti chiedza nokunzwisisa noungwaru hwakanakisisa chaizvo zvinowanikwa mauri. Zvino vangwaru navanhu vamapipi vakambounzwa muno kwandiri kuzoverenga zvakanyorwa izvi nokundizivisa zvazvinoreva. Asi vakatadza kunditsanangurira zvinhu zvazvinoreva. Asi ndakanzwa kuti iwe unokwanisa kududzira zvinhu nokupedza nhamo. Zvino, kana ukagona kuverenga zvakanyorwa izvi ukanditsanangurira zvazvinoreva, uchapfekedzwa hanzu yoruvara rwohute ugoshongedzwa muhuro necheni yendarama uyezve unozova mutongi wechitatu muumambo huno.” Dhanieri akapindura kuna mambo achiti, “Zvipo zvenyu ngazvive zvenyu imi; mibayiro yenyu muipe zvenyu kuno mumwe. Asi kukuverengerai, mambo ndichakuverengerai zvakanyorwa izvozvi ndigodudzira zvazvinoreva.

Verenga chikamu Dhanieri 5