Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:8-15

Dhanieri 3:8-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino nenguva iyo vamwe vaKaradhea vakaswedera vakapomera vaJudha. Vakapindura, vakati kuna mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Imi mambo makatema chirevo, chokuti munhu mumwe nomumwe kana achinge achinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, awire pasi achinamata chifananidzo chendarama; asi ani naani asingawiri pasi achinamata, achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino vamwe vaJudha varipo, vamakagadza vave varayiri vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; varume ava havana hanya nemi, imi mambo; havashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo. Nebhukadhinezari akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nguva iyoyo ndipo pakauya vamwe vaKaridhea kuzopomera mhosva vaJudha zviri zvoruvengo chairwo. Vakapira shoko ravo kuna mambo Nebhukadhineza vachiti, “Mambo, garirai kure nomoto! Handiti imimi mambo, makatema chirevo chinoti: Munhu anenge angonzwa chete kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe nokuimba kwose kwose zvako, anofanira kugwadama pasi achipfugamira chifananidzo chendarama ichi muchiti kuwana ani zvake anorega kugwadama pasi achipfugama, anofanira kukandwa muvira remoto unopisa kwazvo? Uku kwaita vamwe vaJudha vamakapa iyemi ukuru hokuona zvenyika yeBhabhironi vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Mambo, varume ivavo havanei nezvamunotaura. Havanamati vamwari venyu kana kupfugamira zvako chifananidzo chiya chendarama chamakagadzira mukachimisa.” Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo. Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:8-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaKardea ʋakasweɗera ʋakapomera ʋaJuda. Ʋakapindura, ʋakati kunamambo Nebukadnezari: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama; asi aninani usiŋgawiri pasi acinamata, ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda ʋari’po, ʋamakagadza ʋaʋe ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi, ʋanaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego; ʋarume aʋa haʋana‐kuʋa nehanya nemi, imi mambo; haʋashumiri ʋamŋari ʋenyu, kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa. Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko?

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:8-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)