Ɀino neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaKardea ʋakasweɗera ʋakapomera ʋaJuda. Ʋakapindura, ʋakati kunamambo Nebukadnezari: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama; asi aninani usiŋgawiri pasi acinamata, ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda ʋari’po, ʋamakagadza ʋaʋe ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi, ʋanaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego; ʋarume aʋa haʋana‐kuʋa nehanya nemi, imi mambo; haʋashumiri ʋamŋari ʋenyu, kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa. Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko?
Verenga chikamu Danieri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Danieri 3:8-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo