Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:19-30

Dhanieri 3:19-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo. Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari. Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.” Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:19-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo. Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.” Iye akapindura, akati, “Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, “Nhai imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro‐soro, budai muuye pano.” Ipapo Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto. Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari. Nebhukadhinezari akataura akati, “Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo. “Naizvozvo ndinotema chirevo, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose, vanotaura zvisina kufanira pamusoro paMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vatemwe‐temwe, nedzimba dzavo dziitwe muturunhuru; nokuti hakuna mumwe mwari anogona kurwira saizvozvo.” Ipapo mambo akawedzera ukuru hwaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego panyika yeBhabhironi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:19-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro. Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!” Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.” Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto. Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto. Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo. Naizvozvo ndinotema chirevo chokuti: Rudzi rupi zvarwo, kana ndudzi dzipi zvadzo dzavanhu, kunyange rurimi runotaura zvakaipa nezvaMwari kuwana vane rakaipa ravanongoti bufu kutaura nezvaMwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vachabvamburwa kuita zvidimbu zvidimbu, misha yavo igoitwa matongo. Ndinodaro nokuti, hakuna mumwe Mwari anogona kununura saizvozvi izvi.” Nebhukadhineza akabva asumudzirazve pamusoro vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego imomo munyika yeBhabhironi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:19-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo. Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo. Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari. Ipapo Nebukadnezari akasweɗera kumuromo wecoto comŋoto wakaŋga ucipfuta kwaɀo, akataura, akati: Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, imi ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ɓuɗai muʋuye pano. Ipapo Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaɓuɗa mukati momŋoto. Ɀino macinda naʋarairi namadzishe namakurukota amambo ʋakaʋuŋgana ʋakaʋona ʋarume aʋa, kuti mŋoto wakaŋga washaiwa simba pamiʋiri yaʋo, kunyaŋge nevudzi remisoro yaʋo rakaŋga risina‐kufuwurwa, namajasi aʋo akaŋga asina‐kushanduka; kunyaŋge nomunhuwi womŋoto wakaŋga usina‐kuȿika kwaʋari. Nebukadnezari akataura akati: Mŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego ŋgaaʋoŋgwe, iye wakatuma mutumŋa wake, akarwira ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaciʋimba naye, iʋo ʋakaŋga ʋaramba shoko ramambo, ʋakaisa miʋiri yaʋo, kuti ʋarege kushumira kana kunamata mŋari upi noupi, asi iye Mŋari waʋo. Naiɀoɀo ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose, ʋanotaura ɀisino‐kufanira pamsoro paMŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋatemŋe‐temŋe, nedzimba dzaʋo dziitwe maturunhuru; nokuti hakuno‐mumŋe mŋari unogona kurwira saiɀoɀo. Ipapo mambo akawedzera ʋukuru bgaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego panyika yeBabironi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:19-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)