Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?”
Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”
Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”
Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!”
Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari.
Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo. Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.”
Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.