Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:13-28

Dhanieri 3:13-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?” Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo. Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto, uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari. Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:13-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo Nebhukadhinezari akarayira nehasha nokutsamwa kwake kuti Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vauyiswe. Zvino vakauyisa varume ava pamberi pamambo. Nebhukadhinezari akapindura, akati kwavari, “Ichokwadi here, imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, kuti munoramba kushumira mwari wangu, nokunamata chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana muchitenda kuwira pasi muchinamata chifananidzo chandakaita nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, zvakanaka hazvo; asi kana musinganamati, muchawisirwa nenguva iyo mukati mevira romoto unopfuta kwazvo; mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo. Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.” Iye akapindura, akati, “Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.” Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wevira romoto wakanga uchipfuta kwazvo, akataura, akati, “Nhai imi Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro‐soro, budai muuye pano.” Ipapo Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda mukati memoto. Zvino machinda navarayiri namadzishe namakurukota amambo vakaungana vakaona varume ava, kuti moto wakanga washaiwa simba pamiviri yavo, kunyange nevhudzi remisoro yavo rakanga risina kubviswa, namajasi avo akanga asina kubvuraudzwa; kunyange nomunhuwi womoto wakanga usina kusvika kwavari. Nebhukadhinezari akataura akati, “Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake, akarwira varanda vake vakanga vachivimba naye, ivo vakanga varamba shoko ramambo, vakaisa miviri yavo, kuti varege kushumira kana kunamata mwari upi noupi, asi iye Mwari wavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:13-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nebhukadhineza akabva apenga nehasha akati Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vaunzwe. Vanhu vakaenda navarume ivava pana mambo. Nebhukadhineza akavati, “Ichokwadi here, nhai Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego kuti imi hamunamati vamwari vangu kunyange kupfugamira chifananidzo chendarama chandakamisa ini? Zvino kana magadzirira kuti pamunongonzwa kurira kwehwamanda nenyere nezvipendhani namabhanicho namadimbwa nengororombe imiwo mobva magwadama pasi muchipfugamira chifananidzo chandakaita, patsvene, uye pakanaka ipapo. Asi kana imi mukangorega kupfugama, pakarepo munofanira kubva makandwa muvira romoto unopisa kwazvo. Ndoupi mwari angakununurei mumaoko mangu?” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro. Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!” Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.” Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto. Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto. Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:13-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko? Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo. Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo. Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari. Ipapo Nebukadnezari akasweɗera kumuromo wecoto comŋoto wakaŋga ucipfuta kwaɀo, akataura, akati: Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, imi ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ɓuɗai muʋuye pano. Ipapo Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaɓuɗa mukati momŋoto. Ɀino macinda naʋarairi namadzishe namakurukota amambo ʋakaʋuŋgana ʋakaʋona ʋarume aʋa, kuti mŋoto wakaŋga washaiwa simba pamiʋiri yaʋo, kunyaŋge nevudzi remisoro yaʋo rakaŋga risina‐kufuwurwa, namajasi aʋo akaŋga asina‐kushanduka; kunyaŋge nomunhuwi womŋoto wakaŋga usina‐kuȿika kwaʋari. Nebukadnezari akataura akati: Mŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego ŋgaaʋoŋgwe, iye wakatuma mutumŋa wake, akarwira ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaciʋimba naye, iʋo ʋakaŋga ʋaramba shoko ramambo, ʋakaisa miʋiri yaʋo, kuti ʋarege kushumira kana kunamata mŋari upi noupi, asi iye Mŋari waʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 3

Dhanieri 3:13-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)