Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 3:13-28

Danieri 3:13-28 SUB1949

Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo. Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini? Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko? Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo. Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo. Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari. Ipapo Nebukadnezari akasweɗera kumuromo wecoto comŋoto wakaŋga ucipfuta kwaɀo, akataura, akati: Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, imi ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ɓuɗai muʋuye pano. Ipapo Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaɓuɗa mukati momŋoto. Ɀino macinda naʋarairi namadzishe namakurukota amambo ʋakaʋuŋgana ʋakaʋona ʋarume aʋa, kuti mŋoto wakaŋga washaiwa simba pamiʋiri yaʋo, kunyaŋge nevudzi remisoro yaʋo rakaŋga risina‐kufuwurwa, namajasi aʋo akaŋga asina‐kushanduka; kunyaŋge nomunhuwi womŋoto wakaŋga usina‐kuȿika kwaʋari. Nebukadnezari akataura akati: Mŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego ŋgaaʋoŋgwe, iye wakatuma mutumŋa wake, akarwira ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaciʋimba naye, iʋo ʋakaŋga ʋaramba shoko ramambo, ʋakaisa miʋiri yaʋo, kuti ʋarege kushumira kana kunamata mŋari upi noupi, asi iye Mŋari waʋo.

Verenga chikamu Danieri 3