Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 2:1-49

Dhanieri 2:1-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. Saka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.” Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.” Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara. Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.” Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.” Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema: Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.” Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi. Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.” Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe. Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo. Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara. Akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho. Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya. Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria. Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake. Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera. Anozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari. Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.” Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.” Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.” Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?” Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi: “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika. Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu. “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho. Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira, makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu. Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya. Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose. “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe. “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose. Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana. “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.” Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuhwira. Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.” Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose. Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 2

Dhanieri 2:1-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen’anga navaroyi navaKaradhea vadanwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwavari, “Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.” Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, “Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa‐gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru. Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.” Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nokuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni. Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.” VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, “Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n’anga, kana muKaradhea upi noupi. Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari vasingagari navanhu.” Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe. Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurawe. Ipapo Dhanieri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi; akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, “Chirevo ichi chamambo chine hasha neiko?” Ipapo Arioki akazivisa Dhanieri shoko iro. Zvino Dhanieri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire nguva, azivise mambo kududzirwa kwazvo. Ipapo Dhanieri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi. Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanieri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanieri akatenda Mwari wokudenga. Dhanieri akapindura, akati, “Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi‐peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake. Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo; ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari. Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo.” Naizvozvo Dhanieri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, “Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Mambo akapindura, akati kuna Dhanieri, ainzi Bheteshazari. “Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?” Dhanieri akapindura mambo, akati, “Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo; asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoo dzenyu, hezvi; kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhoo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa. Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu. “Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo‐naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho. Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo‐naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira, makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu. Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. “Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya; pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu umwe ushe uchamuka, uduku kwamuri; tevere ushe hwechitatu hwendarira; huchabata panyika yose. Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya. Zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro. Zvigunwe zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika. Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu. Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi. Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa‐putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.” Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanieri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa. Mambo akapindura Dhanieri, akati, “Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika.” Ipapo mambo akaita Dhanieri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi. Dhanieri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanieri akagara pasuo ramambo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 2

Dhanieri 2:1-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope. Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo. Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.” VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.” Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo. Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.” Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.” Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake. Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.” Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe. Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye. Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi. Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho. Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho. Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya. Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi. Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga. Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.” Naizvozvo Dhanieri akaenda kuna Arioku uya akanga apiwa namambo basa rokuparadza vangwaru veBhabhironi. Akaenda akamutaurira kuti, “Chiregai zvenyu kuparadza vangwaru veBhabhironi. Ndisvitseiwo kuna mambo nditsanangurire mambo.” Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.” Mambo akabvunza Dhanieri uya akanga ava kunzi Bheriteshaza kuti, “Unogona here kundizivisa hope dzandakarota nedudziro yadzo?” Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo. “Asi kudenga uku kuna Mwari! Ndiye anoisa pachena zvakavanzika, akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza zvichaveko mune ramangwana. Hope dzamakarota ndedzidzi idzi nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi. Kwakauya kwamuri imi mambo murere zvenyu pamubhedha pfungwa dzezvichauya mune ramangwana, iye anodudzira zvakavanzika achikuzivisai zvinhu zvichazovapo. Asi zvakavanzika izvozvi hazvina kuoneswa kwandiri pamusana pokuti ini ndini ndazova muchenjeri chaiye kupfuura vapenyu vose. Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa pfungwa dzakasvika mumusoro menyu. “Mambo, imi makatarisa mukaona, hero zimufananidzo guru. Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo richipenya zvakanyanyisa kwazvo rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa. Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu raro namaoko ari esirivha, dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira, makumbo aro ari esimbi. Tsoka dzaro dzakanga dzakati pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe. Makatarisa kudaro, pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu, rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa. Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho nendarira yacho nesirivha iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa zvose pamwechete, zvikabva zvaita sehundi iri paburiro pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika. Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya rakava zigomo guru rikatozara pasi pose. “Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi. Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva. Imimi mambo, mambo wamadzimambo, iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu kudai nesimba noukuru nembiri, mumaoko menyu ndimo makaiswa, vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga, kwose kwose ikoko kwazvigere, akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo. Musoro wendarama uya, ndimi wacho. Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo hwakati dererei pane hwenyu, tevere umambo hwechitatu, umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo. Kuchazovawo noumambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose. Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi. Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe, umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake. Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo, pachange pakasungwa noutare sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi. Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe saizvozvo umambo hwacho huchange hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke. Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe, saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana. Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani, sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana. Zvino mumazuva amadzimambo iwayo Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa kunyange kuti masimba ahwo ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu. Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo huchidzisvitsa kumugumo. Asi ihwo, huchazogara narini narini wose. Sokuona chaiko kwamakaita kuti dombo rakapipfurwa richibva pagomo risina kudimurwa noruoko rwomunhu, uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira nomunyakwe nesirivha nendarama zviya, Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana. Hope idzodzi, ihope chaidzo, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.” Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri. Mambo akati kuna Dhanieri: “Zvechokwadi, Mwari wako ndiMwari wavamwari ndiye Changamire wamadzimambo. Mududziri wezvakavanzika nokuti iwe wagona kududzira zvakavanzika izvi.” Mambo akabva apa kuna Dhanieri ukuru ukuru hwapamusorosoro nezvipo zvikuru zvakawanda akamuitawo mutongi wenyika yose yeBhabhironi nomukuru mukuru wavatungamiriri wavangwaru vose zvavo veBhabhironi. Dhanieri akasvitsawo chichemo kuna mambo, mambo akabva apa Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego basa rokuona nezvenyaya dzenyika yeBhabhironi. Asi Dhanieri akaramba achingova wepadare ramambo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 2

Dhanieri 2:1-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Negore recipiri rokuɓata ʋushe kwaNebukadnezari, Nebukadnezari wakarota hope; mŋeya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. Ipapo mambo akaraira kuti ʋacenjeri neŋaŋga naʋaroyi naʋaKardea ʋaɗanwe kuzoɗudzira mambo kurota kwake. Ipapo ʋakapinda ʋakamira pamberi pamambo. Mambo akati kwaʋari: Ndarota hope, ɀino mŋeya waŋgu unotambudzika ndiciti ndinzwisise kurota kwaŋgu. Ipapo ʋaKardea ʋakataura namambo norurimi rwaʋaSiria, ʋakati: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ʋudzai ʋaranda ʋenyu kurota kwenyu, isu tigokuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru. Asi kana mukandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucapiwa neni ɀipo nemiɓairo nokukudzwa kukuru; naiɀoɀo cindiziʋisai kurota nokuɗudzirwa kwaɀo. Iʋo ʋakapindura rwecipiri, ʋaciti: Mambo ŋgaaʋudze ʋaranda ʋake kurota kwake, isu tigokuɀiʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati: Ndinoziʋa kwaɀo kuti imi munoŋgotȿaka kuwedzerwa ŋguʋa, nokuti munoʋona kuti shoko iri ratemŋa neni. Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi. Cinhu cinobvunzwa namambo cikuru kwaɀo, hakuna‐uŋgaciziʋisa kunamambo, asi ʋamŋari ʋasiŋgagari naʋanhu. Nemhaka iyi mambo akatsamŋa, akaʋa nehasha kwaɀo, akaraira kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋurawe. Naiɀoɀo cireʋo cakatemŋa kuti ʋacenjeri ʋaʋurawe, ʋakatȿaka ʋo Danieri neshamŋari dzake kuti ʋaʋurawe. Ipapo Danieri akapindura Arioki nenjere nokuŋgwara, iye mukuru waʋarindi ʋamambo, wakaŋga aɓuɗa kundoʋuraya ʋacenjeri ʋeBabironi; wakapindura, akati kunaArioki mukuru wamambo: Cireʋo ici camambo cinehasha neiko? Ipapo Arioki akaziʋisa Danieri shoko iro. Ɀino Danieri akapinda kunamambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire ŋguʋa, aziʋise mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ipapo Danieri akaenda kumba kwake, akandoziʋisa shamŋari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; kuti ʋakumbire nyasha kunaMŋari wokuɗeŋga pamsoro pecinhu ici cakaʋanzika, kuti Danieri neshamŋari dzake ʋarege kuparadzwa pamŋe cete naʋamŋe ʋacenjeri ʋeBabironi. Ipapo cinhu ico cakaʋanzika cakaziʋiswa Danieri panecaakaratidzwa ʋusiku. Danieri akaʋoŋga Mŋari wokuɗeŋga. Danieri akapindura, akati: Zita raMŋari ŋgariʋoŋgwe nokusiŋgaperi‐peri, nokuti ʋucenjeri nesimba ndeɀake. Ndiye unoshandura ŋguʋa nenhambo; ndiye unobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye unopa ʋakacenjera ʋucenjeri, naʋanenjere ziʋo; ndiye unoziʋisa ɀinhu ɀakadzika neɀakaʋanzika; ndiye unoziʋa ɀiri murima; ciedza cinogara kwaari. Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo. Naiɀoɀo Danieri akapinda kunaArioki, wakaŋga arairwa namambo kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; akandoti kwaari: Rega hako kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; ndiise pamberi pamambo, ndicaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Mambo akapindura, akati kunaDanieri, wainzi Berteshazari: Iwe unogona kundiziʋisa kurota kwandakaʋona, nokuɗudzirwa kwaɀo here? Danieri akapindura pamberi pamambo, akati: Cinhu cakaʋanzika, cakarebga namambo, hakunaʋanenjere, kana ŋaŋga, kana ʋacenjeri, kana ʋafemberi ʋaŋgaziʋisa mambo iɀoɀo; asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi: Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa. Asi kana ndiri’ni, cinhu ici cakaʋanzika hacina‐kundiziʋiswa nokuɗa kwenjere dzandinadzo dzinopfuʋura dzaʋamŋe ʋapenyu ʋose, asi kuti mambo aziʋiswe kuɗudzirwa kwaɀo, ʋuye kuti muziʋiswe pfuŋgwa dziri mumŋoyo wenyu. Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco. Kana ciri cifananidzo ici, musoro waco wakaŋga uri wendarama yakaiȿo‐naka, cifuʋa caco namaʋoko aco ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, ɗumbu raco neciʋuno caco ɀakaŋga ɀiri ɀendarira, makumbo aco akaŋga ari eɗare, ʋuye tsoka dzaco dzaiti pamŋe ɗare pamŋe ivu. Makaramba mucitarira kuȿikira muciʋona ibge riciʋezwa, asi ɀisiŋgaitwi namaʋoko omunhu, rikaroʋa cifananidzo patsoka dzaco dzaiʋa dzeɗare nevu, rikadziputsa‐putsa. Ipapo ɗare nevu nendarira nesirveri nendarama ɀakaputsanyiwa pamŋe cete, ɀikafanana nehundi iri pamapuriro neŋguʋa yezhezha; ɀikatorwa nemhepo, ɀikasawanirwa nɀimbo; asi ibge, rakaŋga raroʋa cifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. Ndiɀo ɀamakarota; ɀino ticaɀiɗudzira pamberi pamambo. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMŋari wokuɗeŋga ʋushe noʋumambo nesimba nokubginya; pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama. Shure kwenyu ʋumŋe ʋushe ʋucamuka, ʋuɗuku kwamuri; teʋere ʋushe bgecitatu bgendarira, ʋucaɓata panyika yose. Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya. Ɀamakaʋona tsoka neɀigunwe, ɀakaitwa pamŋe nevu romuʋumbi wehari, pamŋe neɗare, ʋucaʋa ʋushe bgakaganhurwa; asi simba reɗare ricaʋa’mo, ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro. Ɀigunwe ɀamakumbo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa pamŋe neɗare pamŋe nevu, saiɀoɀo ʋushe ʋucaʋa pamŋe nesimba, pamŋe haʋuŋgatani kuputsika. Ʋuye ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro, saiɀoɀo ʋacaveŋgana namarudzi aʋanhu, asi haʋaŋganamatirani, seɀinoita ɗare risiŋganamatirani nevu. Ɀino namazuʋa amadzimambo iwayo Mŋari wokuɗeŋga ucamutsa ʋushe, ʋusiŋgatoŋgozoparadzwi, ʋuye simba rabgo hariŋgapfuʋuri kunorumŋe rudzi rwaʋanhu; asi ibgo ʋucaputsanya nokuparadza ʋushe ubgo bgose, ibgo ʋucamira nokusiŋgaperi. Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi. Ipapo mambo Nebukadnezari akawira pasi neciso cake, akanamata Danieri, akaraira kuti ʋamuʋigire cipo neɀinonhuwira ɀinozipa. Mambo akapindura Danieri, akati: Ɀirokwaɀo, Mŋari wako ndiye Mŋari waʋamŋari, naShe wamadzimambo, nomuziʋisi weɀakaʋanzika, iwe ɀawakagona kuziʋisa cinhu ici cakaʋanzika. Ipapo mambo akaita Danieri mukuru, akamupa ɀipo ɀikuru ɀizhinji, akamuita muɓati wenyika yose yeBabironi, nokumuita ʋo mutariri mukuru waʋakacenjera ʋose ʋeBabironi. Danieri akakumbira kunamambo, akagadza Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaʋa ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi; asi Danieri wakagara pasuʋo ramambo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Dhanieri 2

Dhanieri 2:1-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)