Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 2:1-49

Dhanieri 2:1-49 SCLBD

Mugore rechipiri rokutonga kwaNebhukadhineza, iye Nebhukadhineza akarota hope akashushikana mumwoyo zvikamushayisa hope. Mambo akabva ati vamapipi navamaminimini navanhu vamakona navaKaridhea vadaidzwe kuzodudzira mambo hope dzake. Saizvozvowo vakauya vakamira pana mambo. Mambo akavati, “Ndarota hope, zvino ndiri kutambura mumwoyo mangu kuti ndizive hope dzacho.” VaKaridhea vakabva vati kuna mambo muchiArameiki, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro muchitonga! Tirondedzerei henyu hope dzacho isu varanda venyu, tichadudzira zvadzinoreva.” Mambo akapindura vaKaridhea kuti, “Zvandinoreva ndezvechokwadi. Kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, nokudzidudzira kwacho muchabvamburwa kuitwa zvidimbu zvidimbu. Misha yenyu ichisara yava matongo. Asi mukandirondedzera hope dzacho nezvadzinoreva, ndichakupai zvipo nemibayiro noukuru hwakakura kwazvo. Naizvozvo chinditaurirai hope idzodzo nedudziro yadzo.” Vakapindurazve mambo kuti, “Mambo rondedzerai henyu hope dzacho isu varanda venyu, tikududzirei zvadzinoreva.” Mambo ndokuti, “Ndazonyatsoziva zvino kuti mava kungovemberedza nguva nokuti maona kuti zvandareva ndezvechokwadi zvokuti kana imi mukarega kundizivisa hope idzodzo, chenyu chasara chirango, chimwechete chete. Heya matobvumirana kuzonditaurira zvokunyepa nenyaya dzakaora kusvikira mamiriro ezvinhu asanduka. Naizvozvo ndirondedzerei hope idzodzo ndibva ndazivawo kuti kana kudzidudzira munogona.” VaKaridhea vakapindura mambo vachiti, “Hakuna kana nomunhu pasi pano angagone kuita zviri kudiwa namambo izvi nokuti hakunawo changamire mambo chaiye ane simba ati ambobvunza zvakadai izvi kuna ani zvake wamapipi kana wamaminimini kunyange kumuKaridhea upi zvake. Izvi zvakumbirwa namambo, zvakaoma uye hakuna angagone kuzviisa pachena kuna mambo, asi kutoti vamwari chete vasingaiti musha mukati mavanhu.” Pamusana paizvozvi mambo akashatirwa akaviruka kwazvo nehasha akapa chirevo chokuti: Vachenjeri vose veBhabhironi ngavaurayiwe. Nokudaro chirevo ichochi chokuti: vachenjeri vanofanira kuti vaurayiwe, chakafamba. Vakatsvagawo Dhanieri neshamwari dzake kuti vavauraye. Ipapo Dhanieri akapa mhinduro yakanyatsofungwa ine uchenjeri chaihwo kuna Arioku mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo uyewo munhu akanga auya kuzouraya vachenjeri veBhabhironi. Dhanieri akati kuna Arioku mukuru mukuru wokwamambo, “Zvaita sei kuti chirevo chamambo chibva chaoma kudai?” Arioku ndokuzivisa Dhanieri nyaya yacho. Dhanieri akapinda akandoteterera kuna mambo kuti amutaurire nguva yaaizopa mambo dudziro yacho. Dhanieri akabva aenda kumba kwake akazivisawo nyaya iyoyo shamwari dzake dziya vanaHananiya naMishaeri naAzariya. Akavataurira kuti vakumbire Mwari Wedenga agovanzwirawo tsitsi nezvechinhu chakavanzika ichi, kuitira kuti Dhanieri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vangwaru vose veBhabhironi. Ndipo pakazoziviswa Dhanieri usiku chakavanzika chacho muchiratidzo, ndokubva Dhanieri arumbidza Mwari Wedenga. Dhanieri akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe narini narini wose ndiye mwene woungwaru nesimba. “Anosandura nguva nemwaka; anobvisa madzimambo uye anogadzawo madzimambo; anopa uchenjeri kuna vangwaru noruzivo kuvanhu vanonzwisisa. “Anoisa pachena zvinhu zvakadzama, zvinhu zvakavanzika. Anozviziva zviri murima iye chiedza ndipo pamusha. “Ndinokutendai ndichikurumbidzai imi Mwari wamadzibaba angu nokuti makandipa ungwaru nesimba mukandizivisawo zvatakakukumbirai nokuti matizivisa imi nyaya iyi yamambo.” Naizvozvo Dhanieri akaenda kuna Arioku uya akanga apiwa namambo basa rokuparadza vangwaru veBhabhironi. Akaenda akamutaurira kuti, “Chiregai zvenyu kuparadza vangwaru veBhabhironi. Ndisvitseiwo kuna mambo nditsanangurire mambo.” Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.” Mambo akabvunza Dhanieri uya akanga ava kunzi Bheriteshaza kuti, “Unogona here kundizivisa hope dzandakarota nedudziro yadzo?” Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo. “Asi kudenga uku kuna Mwari! Ndiye anoisa pachena zvakavanzika, akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza zvichaveko mune ramangwana. Hope dzamakarota ndedzidzi idzi nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi. Kwakauya kwamuri imi mambo murere zvenyu pamubhedha pfungwa dzezvichauya mune ramangwana, iye anodudzira zvakavanzika achikuzivisai zvinhu zvichazovapo. Asi zvakavanzika izvozvi hazvina kuoneswa kwandiri pamusana pokuti ini ndini ndazova muchenjeri chaiye kupfuura vapenyu vose. Asi zvangoitirwa kuti mambo aziviswe dudziro yacho uye kuti mugonzwisisa pfungwa dzakasvika mumusoro menyu. “Mambo, imi makatarisa mukaona, hero zimufananidzo guru. Zimufananidzo iroro rakanga rakasimba chaizvo richipenya zvakanyanyisa kwazvo rimire mberi kwenyu richityisa kutarisa. Musoro wezimufananidzo irori wakanga uri wendarama chaiyo yakanakisisa, dundundu raro namaoko ari esirivha, dumbu racho nezvidya zvakanga zviri zvendarira, makumbo aro ari esimbi. Tsoka dzaro dzakanga dzakati pamwe ndepesimbi pamwe pomunyakwe. Makatarisa kudaro, pakapipfurwa dombo risina kudimurwa namaoko omunhu, rikatema zimufananidzo racho patsoka dzaro idzodzo dzaiti apa ndepesimbi apa ndepomunyakwe rikadzipwanyanisa. Ipapo simbi iya nomunyakwe wacho nendarira yacho nesirivha iya nendarama yacho zvakapwanyaniswa zvose pamwechete, zvikabva zvaita sehundi iri paburiro pachirimo zvikapupurutswa nemhepo zvikatsakatika. Asi dombo riya rakanga ratema mufananidzo uya rakava zigomo guru rikatozara pasi pose. “Idzodzi ndidzo hope dzacho idzi. Zvino tochikutaurirai, mambo, zvadzinoreva. Imimi mambo, mambo wamadzimambo, iyemi nyakupiwa naMwari Wedenga dzinyika dzoumambo hwenyu kudai nesimba noukuru nembiri, mumaoko menyu ndimo makaiswa, vanhu nomhuka dzesango neshiri dzedenga, kwose kwose ikoko kwazvigere, akakuitai kuti muve nohutongi hwazvo zvose izvozvo. Musoro wendarama uya, ndimi wacho. Mushure menyu, kuchamuka humwe umambo hwakati dererei pane hwenyu, tevere umambo hwechitatu, umambo hwendarira huchazotonga pasi pose zvapo. Kuchazovawo noumambo hwechina huchange hwakasimba sesimbi inopwanya nokutiwo simbi inopwanya ichinyatsoparadza zvinhu zvose. Uye sesimbi inopwanya, umambo ihwohwo huchipwanya huchiparadza zvose izvozvi. Sokuonawo kwamakaita tsoka dzacho nezvigunwe zvakati apa pesimbi apa pomunyakwe, umambo ihwohwo huchange huri umambo hune mazvakemazvake. Asi pamwe nepamwe muumambo ihwohwo, pachange pakasungwa noutare sokusimbawo kwesimbi sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe womuumbi. Uye zvigunwe sezvazvakanga zvakati pamwe ndepesimbi pamwe ndepomunyakwe saizvozvo umambo hwacho huchange hwakati apa pakasungwa noutare apa zinyekenyeke. Sokuona kwamakaita simbi yakasanganiswa nomunyakwe, saizvozvo vachaita mawirirano okuroorerana. Asi kunyatsobatana chaikoiko havambobatani, sezvinongoita simbi nomunyakwe zvisingakwanisi kunyatsobatana. Zvino mumazuva amadzimambo iwayo Mwari Wedenga achagadza umambo husingazofa hwakaparadzwa kunyange kuti masimba ahwo ambokuurirwa kune rumwe rudzi rwavanhu. Huchapwanyanisa nyika dzose dzoumambo ihwohwo huchidzisvitsa kumugumo. Asi ihwo, huchazogara narini narini wose. Sokuona chaiko kwamakaita kuti dombo rakapipfurwa richibva pagomo risina kudimurwa noruoko rwomunhu, uye kuti rakandopwanyanisa simbi nendarira nomunyakwe nesirivha nendarama zviya, Mwari mukurukuru kwazvo ndiye azivisemi mambo zvinhu zvichazovako mune ramangwana. Hope idzodzi, ihope chaidzo, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.” Mambo Nebhukadhineza akabva ati nouso pasi kota kota achiremekedza Dhanieri, akati vanhu vapire mupiro norusenzi kuna iye Dhanieri. Mambo akati kuna Dhanieri: “Zvechokwadi, Mwari wako ndiMwari wavamwari ndiye Changamire wamadzimambo. Mududziri wezvakavanzika nokuti iwe wagona kududzira zvakavanzika izvi.” Mambo akabva apa kuna Dhanieri ukuru ukuru hwapamusorosoro nezvipo zvikuru zvakawanda akamuitawo mutongi wenyika yose yeBhabhironi nomukuru mukuru wavatungamiriri wavangwaru vose zvavo veBhabhironi. Dhanieri akasvitsawo chichemo kuna mambo, mambo akabva apa Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego basa rokuona nezvenyaya dzenyika yeBhabhironi. Asi Dhanieri akaramba achingova wepadare ramambo.

Verenga chikamu Dhanieri 2