Dhanieri 10:11-12
Dhanieri 10:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akati kwandiri, “Dhanieri, iwe unokudzwa zvikuru, chichengeta zvikuru mashoko andava kutaura kwauri, uye usimuke, nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Zvino paakareva izvi kwandiri, ndakasimuka ndichidedera. Ipapo akaenderera mberi akati, “Usatya, Dhanieri. Kubva pazuva rawakafunga kuwana kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwika, uye ini ndauya nemhinduro.
Dhanieri 10:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Akati kwandiri, ‘Iwe Dhanieri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.’ Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera. “Ipapo akati kwandiri, ‘Usatya Dhanieri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako.
Dhanieri 10:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera. Akanditi, “Usatye zvako Dhanieri nokuti kubvira musi wawatangisa kuva nomwoyo wokuda kunzwisisa zvinhu izvozvi uchizvirereka pana Mwari wako, zvawaitaura zvakanzwika, nokudaro ndauya pamusana pezvawaireva.
Dhanieri 10:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwandiri: Iwe Danieri, murume unoɗikanwa kwaɀo, cinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwaɀo; nokuti ndatumŋa kwauri iwe ɀino. Wakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndiciɗeɗera. Ipapo akati kwandiri: Usatya Danieri, nokuti kubva pazuʋa rokutaŋga rawakafuŋga nomŋoyo wako wose kunzwisisa nokuɀininipisa pamberi paMŋari wako, mashoko ako akanzwika; ndaʋuya nokuɗa kwamashoko ako.
Dhanieri 10:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)