Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 10

10
Dhanieri anoratidzwa zvichazoitika navanhu vaJehovha
1Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanieri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwa kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa.
2“Namazuva iwayo ini Dhanieri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose. 3Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera.
4“Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidhekeri, 5ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzerineni, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi; 6muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
7“Zvino ini Dhanieri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda. 8Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba. 9Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi. 10Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandimisa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka.
11“Akati kwandiri, ‘Iwe Dhanieri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.’ Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
12“Ipapo akati kwandiri, ‘Usatya Dhanieri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako. 13Asi muchinda woushe hwavaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia. 14Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nokuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.’
15“Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko. 16Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, ‘Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa. 17Nokuti muranda washe wangu uyu angataura seiko nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.’
18“Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa. 19Akati, ‘Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.’ Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, ‘Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.’
20“Zvino akati, ‘Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya. 21Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu.’

Zvasarudzwa nguva ino

Dhanieri 10: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda