VaKorose 1:1-20
VaKorose 1:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya. Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi. Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa.

VaKorose 1:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu, kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu. Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai, zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose, pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri; iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi; sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu, iye akatiudzawo zvorudo rwenyu muMweya. Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo; muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, muve nomwoyo murefu, nomufaro; muvonge baba, vakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yavatsvene muchiedza; vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo; watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu. Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake. Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari. Ndiye musoro womuviri, ndiyo sangano; ndiye wokutanga, dangwe ravakamuka kuvakafa; kuti iye ave mukuru pazvinhu zvose. Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.
VaKorose 1:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu. Mwari Baba wedu ngavakuwanisei nyasha norugare. Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai. Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu, iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya. Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari. Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu. Norufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza. Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo. Maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo. Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe–rume rechisikwa chiri chose nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru–ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa. Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake. Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano. Ndiye wokutanga dangwerume revakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga–tanga nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga.
VaKorose 1:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu, kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu. Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai, ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose, pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri; iyo yakaȿika kwamuri, seɀayakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀainoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi; seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu, iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya. Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo; mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro; muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza; ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo; watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu. Ndiye mufananidzo waMŋari usiŋgaʋonekwi, ɗaŋgwe reɀisikwa ɀose; nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari. Ndiye musoro womuʋiri, ndiyo kereke; ndiye wokutaŋga, ɗaŋgwe raʋakamuka kuʋakafa; kuti iye aʋe mukuru paɀinhu ɀose. Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga.
VaKorose 1:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)