Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaKorose 1:1-20

ƲaKorose 1:1-20 SUB1949

Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu, kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu. Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai, ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose, pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri; iyo yakaȿika kwamuri, seɀayakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀainoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi; seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu, iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya. Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo; mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro; muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza; ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo; watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu. Ndiye mufananidzo waMŋari usiŋgaʋonekwi, ɗaŋgwe reɀisikwa ɀose; nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari. Ndiye musoro womuʋiri, ndiyo kereke; ndiye wokutaŋga, ɗaŋgwe raʋakamuka kuʋakafa; kuti iye aʋe mukuru paɀinhu ɀose. Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga.

Verenga chikamu ƲaKorose 1