Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 1:1-14

VaKorose 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya. Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 1

VaKorose 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu. Mwari Baba wedu ngavakuwanisei nyasha norugare. Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai. Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu, iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya. Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari. Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu. Norufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza. Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo. Maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 1

VaKorose 1:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu, kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu. Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai, ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose, pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri; iyo yakaȿika kwamuri, seɀayakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀainoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi; seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu, iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya. Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo; mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro; muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza; ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo; watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 1

VaKorose 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)