Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu, kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu.
Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai, ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose, pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri; iyo yakaȿika kwamuri, seɀayakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀainoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi; seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu, iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya.
Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo; mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro; muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza; ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo; watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu.