Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 7:1-9

Amosi 7:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI Mwari akandionesa chiratidzo: Muchiratidzo ichochi ndakaona achisika bute rehwiza mushure mokunge mambo apedza kucheka uswa hwezvipfuwo zvake napanguva yakwakanga kwava kutunga uswiswi. Padzakanga dzapedza kudya uswa kwenyika ino, ini ndakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera doregererai! Jakobho; angapamire sei chaizvo iye ari mudiki kudai? TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi. TENZI ndokuti, ‘Hazvichaitika.’ ” TENZI Mwari akandionesazve chimwe chiratidzo. Muchiratidzo ichocho TENZI Mwari akanga achigadzirira kuranga vanhu nomoto. Moto iwoyu wakapisa hwenje hwegungwa ndokubva wanhanhirawo kundopisa nyika. Ndipo pandakati, “Nhai TENZI Mwari, ndateterera regai zvenyu kudaro Jakobho angapamire sei chaizvo ari mudiki kudai!” TENZI akadzora mwoyo panyaya iyoyi, iye TENZI Mwari ndokuti, “Izvozviwo izvi hazvichaitika.” Mwari akandionesawo izvi. Ndakaona TENZI amire panyasi porusvingo rwakavakwa pachishandiswa tambo yokuvakisa yokueresa nayo kutwasuka kworusvingo kuenda kumusoro. Akanga akabata muruoko tambo yacho yokuvakisa. TENZI akanditi, “Nhai Amosi, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Tambo yokuera nayo kutwasuka.” TENZI ndokubva ati, “Chinzwa, ndava kuisa tambo yokueresa nayo kutwasuka pakati pavanhu vangu vaIsiraeri Handichazombofazve ndakapfuura napavari. Nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzokwaIsaki, dzichaparadzwa, neNzvimbo Dzinoera dzokwaIsiraeri dzichaparadzwa. Ndichamukira imba yaJerobhoamu nebakatwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Amosi 7

Amosi 7:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)