Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera. Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, “Hazvingaitwi.”
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo. Ipapo ndakati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?”
Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, “Nezvizviwo hazvingaitwi.”
Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake. Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Rwonzi rwokuyera narwo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve; nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami nomunondo.”