Amosi 1:1-5
Amosi 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri. Akati: “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.” Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare, ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi. Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 1:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika. Akati, “Jehovha uchaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.” Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Gireadhi nemipuro yamatare. Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi. Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aya ndiwo mazwi okusuma aAmosi mumwe wavafudzi vokuTekowa, chaiva chiri chioneso chaitaura nezveIsiraeri. Izvozvo maive muri munguva yaUziya mambo wokwaJudha, uyewo muri munguva yaJerobhoamu, mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri makore maviri kundengendeka kwapasi kusati kwaitika. Akati, “TENZI ari kudzvova ari kuZioni, ari kudaidzira ari kuJerusaremu mafuro avafudzi ari kuchema mvura, pamusoro pegomo reKarimero paomerwa.” TENZI ari kuti, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweDhamasikusi kutosvika runa handimborega kuiranga, nokuti vakakuya vanhu vokuGireadhi nezvirhei zvesimbhi. Saka ndichatumira moto kumba yaHazaeri, ucharoromesa nzvimbo dzaBhenihadhadhi dzokuzvidzivirira nazvo muhondo. Ndichatyora zvihuri zveDhamasikusi ndigotsakatisa vagari vomubani reAvheni naiye ane umambo kuBhetiedheni. Vanhu veSiria vachatapwa vachiendeswa kunyika yeKiri,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Amosi 1:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika. Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma. Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Damasko ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapura Gireadi nemipuro yamatare. Asi ndicatuma mŋoto mumba maHazaeri, ucapedza dzimba dzoʋushe dzaBeni‐hadadi. Ndicavuna cipfigiso ceDamasko, nokuparadza ʋagere mumupata weAveni nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paBeti‐Edeni; ʋanhu ʋeSiria ʋacatapirwa Kiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Amosi 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)