Mabasa 8:4-8
Mabasa 8:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.
Mabasa 8:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.
Mabasa 8:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro.
Mabasa 8:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa, ʋakapotenyika, ʋaciparidza shoko. NaFiripo wakaɓurukira kuguta reSamaria, akaʋaparidzira Kristu. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaterera nomŋoyo mumŋe ɀairebga naFiripo, ʋacinzwa nokuʋona ɀiratidzo ɀaakaŋga aciita. Nokuti mŋeya yetȿina yakaɓuɗa kuʋazhinji ʋaiʋa nayo, iciɗanidzira nenzwi guru; naʋazhinji ʋakaŋga ʋakafa mitezo naʋaikamhina ʋakaporeswa. Mufaro mukuru ukaʋa’po paguta iro.
Mabasa 8:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)