Mabasa 8:38-40
Mabasa 8:38-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
Mabasa 8:38-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
Mabasa 8:38-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru. Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria.
Mabasa 8:38-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaraira kuti ŋgoro imire; ʋakaɓurukira ʋose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubapatidza. Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa mumvura, Mŋeya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuʋona ɀe; nokuti wakafamba rwendo rwake, acifara. Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika aciparidza Evaŋgeri pamaguta ose, kuȿikira paKesaria.
Mabasa 8:38-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)