Mabasa 8:36-37
Mabasa 8:36-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.”
Mabasa 8:36-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”

Mabasa 8:36-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”]
Mabasa 8:36-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.”
Mabasa 8:36-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, ʋakaȿika panemvura; muranda akati: Heyi mvura; cinyiko ciŋgadziʋisa ndirege kubapatidzwa? [Firipo akati: Kana ucitenda nomŋoyo wako wose, ɀiŋgaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari.]