Mabasa 8:32-35
Mabasa 8:32-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?” Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.
Mabasa 8:32-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti, “Akaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake; Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko acharondedzera rudzi rwake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.” Muranda akapindura Firipi, akati, “Ndinokumbira kwauri, undiudze kuti muporofita anoreva aniko achidaro? Anozvireva iye amene, kana mumwe?” Ipapo Firipi akashamisa muromo wake, akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
Mabasa 8:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu.
Mabasa 8:32-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paakaŋga aciraʋa paRugwaro paiti: Wakaiswa pakuɓayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuʋeʋuri waro, Saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake; Pakuɀidzwa kwake kutoŋgwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucarondedzera rudzi rwake? Nokuti ʋupenyu bgake bgunobviswa panyika. Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undiʋudze kuti muprofita unoreʋa aniko aciɗaro? Unoɀireʋa iye amene, kana mumŋe? Ipapo Firipo akashamisa muromo wake, akataŋga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
Mabasa 8:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)