Mabasa 8:27-31
Mabasa 8:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema, uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.” Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo.
Mabasa 8:27-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.” Firipi akamhanyirako, akumunzwa achirava muporofita Isaya, akati, “Unonzwisisa zvaunorava here?” Iye akati, “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Akakumbira zvikuru kuna Firipi kuti akwire, agare naye.
Mabasa 8:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye.
Mabasa 8:27-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akasimuka, akaenda; ɀino kwakaŋga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwaɀo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waiceŋgeta fuma yake yose, wakaŋga aʋuya Jerusarema kuzonamata; wakaŋga acidzoka, agere muŋgoro yake aciraʋa muprofita Isaya. Mŋeya akati kunaFiripo: Sweɗera, urambire paŋgoro iyo. Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa aciraʋa muprofita Isaya, akati: Unonzwisisa ɀaunoraʋa here? Iye akati: Ndiŋgagona seiko, kana mumŋe asiŋgandiɗudziri? Akakumbira ɀikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.
Mabasa 8:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)