Mabasa 8:1-25
Mabasa 8:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.” Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.” Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari! Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako. Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.” Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.” Vakati vapupura uye vakaparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.

Mabasa 8:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi. Varume vakarurama vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo. Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. Zvino kwakanga kuno mumwe murume, ainzi Simoni, aiva n'anga kare paguta iro, aishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti, “Uyu munhu isimba guru raMwari.” Vakamuteerera, nokuti akanga avashamisa noun'anga hwake nguva huru. Zvino vakati vatenda Firipi, aiparidza mashoko oushe hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa. Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari. Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari, achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Sirivha yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kuna Ishe, kuti zvimwe uregererwe marangariro omwoyo wako. “Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.” Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.” Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
Mabasa 8:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru. Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri. Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro. Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano. Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.” Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu. Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi. Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza. Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti, “Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.” Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari. Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.” Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.” Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria.
Mabasa 8:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sauro wakaŋga acitenda kuʋurawa kwake. Ɀino neŋguʋa iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa ɀikuru, ʋakaparadzirwa ʋose kunyika yeJudea neSamaria, ʋakasara ʋaapostora ɓedzi. Ʋarume ʋakarurama ʋakaʋiga Stefano, ʋakamucema ɀikuru. Ɀino Sauro akaparadza kereke, acipinda mudzimba dzose, acikakata ʋarume naʋakadzi, nokuʋaisa mutoroŋgo. Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa, ʋakapotenyika, ʋaciparidza shoko. NaFiripo wakaɓurukira kuguta reSamaria, akaʋaparidzira Kristu. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaterera nomŋoyo mumŋe ɀairebga naFiripo, ʋacinzwa nokuʋona ɀiratidzo ɀaakaŋga aciita. Nokuti mŋeya yetȿina yakaɓuɗa kuʋazhinji ʋaiʋa nayo, iciɗanidzira nenzwi guru; naʋazhinji ʋakaŋga ʋakafa mitezo naʋaikamhina ʋakaporeswa. Mufaro mukuru ukaʋa’po paguta iro. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume, wainzi Simoni, waiʋa ŋaŋga kare paguta iro, waishamisa ʋanhu ʋeSamaria, aciɀiita munhu mukuru. Ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, ʋakamuterera, ʋaciti: Uyu munhu isimba guru raMŋari. Ʋakamuterera, nokuti wakaŋga aʋashamisa noʋuŋaŋga bgake ŋguʋa huru. Ɀino ʋakati ʋatenda Firipo, waiparidza mashoko oʋushe bgaMŋari nezita raJesu Kristu, ʋakabapatidzwa ʋarume naʋakadzi. Naiye Simoni akatenda ʋo, ndokubapatidzwa ʋo, akagara naFiripo; akashamiswa, aciʋona ɀiratidzo namaɓasa esimba makuru, akaŋga aciitwa. Ɀino ʋaapostora ʋaiʋa paJerusarema, ʋakati ʋanzwa kuti ʋaSamaria ʋakaŋga ʋagamucira shoko raMŋari, ʋakatuma Petro naJohane kwaʋari. Iʋo ʋakaɓurukira’ko, ʋakaʋanyeŋgeterera kuti ʋapiwe Mŋeya Mutȿene; nokuti wakaŋga asina‐kuɓurukira pamsoro pomumŋe waʋo; ʋakaŋga ʋaŋgobapatidzwa muzita raShe Jesu ɓedzi. Ipapo ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro paʋo, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene. Ɀino Simoni wakati aciʋona kuti Mŋeya Mutȿene wapiwa nokuiswa kwamaʋoko aʋaapostora, akaʋuya kwaʋari nemari, aciti: Ndipei neni ʋo simba iri, kuti wandineŋge ndiciisa maʋoko pamsoro pake, apiwe Mŋeya Mutȿene. Ɀino Petro akati kwaari: Sirveri yako ŋgaiparadzwe newe, nokuti wakafuŋga kuteŋga cipo caMŋari nemari. Haunomugoʋe, kana cikamu, pacinhu ici, nokuti mŋoyo wako haunakururama pamberi paMŋari. Naiɀoɀo tendeʋuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti ɀimŋe ukaŋganwirwe muraŋgariro womŋoyo wako. Nokuti ndinoʋona kuti wapinda munduru inoʋaʋa, napakusuŋgwa kusakarurama. Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire ɀikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa necimŋe caiɀoɀo ɀamareʋa. Ɀino ʋakati ʋapupura kwaɀo nokutaura shoko raShe, ʋakadzokera ɀe Jerusarema, ʋaciparidza Evaŋgeri mumisha mizhinji yaʋaSamaria.
Mabasa 8:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)