Mabasa 7:37-43
Mabasa 7:37-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’ Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri. “Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti. Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira! Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo. Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “ ‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri? Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi.
Mabasa 7:37-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. “Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsiraeri here? Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’
Mabasa 7:37-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’ “Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri? Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’
Mabasa 7:37-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni. Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa. Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo. Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye. Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi: Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro Makore makumi manna murenje, imi, imba yaʋaIsraeri here? Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani, Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate; Ndicakutamisai mberi kweBabironi.
Mabasa 7:37-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)