Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 7:37-43

Maɓasa Aʋaapostora 7:37-43 SUB1949

Ndiyeye Mosesi wakati kuʋana ʋaIsraeri: Mŋari ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni. Ndiyeye wakaŋga ari kuʋuŋgano murenje, anomutumŋa wakataura naye mugomo reSinai, anamadziɓaɓa eɗu ʋo, wakagamucira mashoko mapenyu kuzotipa. Ndiye, waʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kumuterera iʋo madziɓaɓa eɗu; ʋakamuramba, ʋakadzokera Egipita nemŋoyo yaʋo. Ʋakati kunaAroni: Tiitire ʋamŋari, ʋaŋgatituŋgamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi ɀakaitika naye. Ɀino ʋakaita mhuru namazuʋa iwayo, ʋakaʋuya neciɓayiro kucifananidzo caʋo, ʋakafarira maɓasa amaʋoko aʋo. Ɀino Mŋari akaʋafuratira, akaʋarega kuti ʋashumire hondo yokuɗeŋga, seɀaɀakanyorwa mubuku yaʋaprofita, ɀicinzi: Ko makandiʋigira ɀipfuwo ɀakaɓayiwa neɀiɓayiro Makore makumi manna murenje, imi, imba yaʋaIsraeri here? Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamŋari wenyu Remfani, Ɀifananidzo ɀamakaita kuti muɀinamate; Ndicakutamisai mberi kweBabironi.