Mabasa 7:13-16
Mabasa 7:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa. Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye. Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu. Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
Mabasa 7:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaonekwa naFarao. Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; vakaiswa Ishekemu vakavigwa pabwiro hwakanaka hwakatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivha kuvanakomana vaEmori paIshekemu.
Mabasa 7:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao. Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu. Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa. Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.
Mabasa 7:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Parwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao. Ɀino Josefa akaʋatuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu. Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu; ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.
Mabasa 7:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)