Maɓasa Aʋaapostora 7:13-16
Maɓasa Aʋaapostora 7:13-16 SUB1949
Parwendo rwecipiri Josefa akazikanwa naʋakuru ʋake; rudzi rwaJosefa rukaʋonekwa naFarao. Ɀino Josefa akaʋatuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu. Jakobo akaɓurukira Egipita; akazofa, iye namadziɓaɓa eɗu; ʋakaiswa Shekemi, ʋakaʋigwa pabgiro bgakaŋga bgateŋgwa naAbrahama nomuteŋgo wesirveri kuʋanakomana ʋaEmori paShekemi.

