Mabasa 7:1-8
Mabasa 7:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.
Mabasa 7:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?” Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’ “Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino. Haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana. Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana. Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’ Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri.
Mabasa 7:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mupristi mukuru akati, “Zvinhu izvi ndizvo nhai?” Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, akati kwavari, ‘Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.’ Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino. Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvaonesa nhamo makore ana mazana mana. Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. Akamupa sungano yedzingiso. Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere; Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka matateguru ane gumi namaviri.
Mabasa 7:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.
Mabasa 7:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muprista mukuru akati: Ɀinhu iɀi ndiɀo nhai? Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani, akati kwaʋari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino. Asi haana‐kumupa nhaka imomo, kunyaŋge paaŋgatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti ucamupa iyo, iʋe yake neyaʋana ʋake ʋaizomuteʋera, asati atoŋgoʋa nomŋana. Mŋari akataura, aciti, ʋana ʋake ʋacaʋa ʋatorwa kunyika yaʋamŋe; ʋacaʋaita ʋaranda, nokuʋaʋonesa nhamo makore anamazana manna. Rudzi rwaʋacaʋa ʋaranda ʋarwo, ndicarutoŋgesa, ndiɀo ɀinoreʋa Mŋari; shure kwaiɀoɀo ʋacaɓuɗa, ʋacandishumira panɀimbo iyi. Akamupa suŋgano yedziŋgiso. Ɀino Abrahama akaɓereka Isaka, akamudziŋgisa nezuʋa rorusere; Isaka akaɓereka Jakobo; naJakobo akaɓereka mateteguru anegumi namaʋiri.