Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:1-8

Mabasa 7:1-8 SCLBD

Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.

Verenga chikamu Mabasa 7