Mabasa 5:17-26
Mabasa 5:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo; vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati, “Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.” Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo. Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo vakadzoka, vakavaudza izvozvo, vachiti, “Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.” Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini. Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.” Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe.
Mabasa 5:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora. Asi mapurisa pavakasvika, havana kuvawana muJeri. Vakadzokera vakavataurira vakati, “Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.” Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi. Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu.
Mabasa 5:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri. Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa, akati, “Endai, mundomira muzvivanze zvetemberi, mugoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.” Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri. Asi vabati vakati vasvika pajeri, vakawana vasimo. Saka vakadzokera vakasvikoti, “Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.” Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika. Ipapo mumwe akasvika akati, “Tarirai! Varume vamakaisa mujeri vamire mutemberi vachidzidzisa vanhu.” Paakazvinzwa, mukuru wavarindi akabva aenda navabati vake akandouya navapostori. Havana kuzviita nokumanikidza, nokuti vaitya kuti vanhu vangavatake namabwe.
Mabasa 5:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mupristi mukuru akamuka navose vechikwata chake vebato revaSadhusei. Pamusana pokuzara neshanje vakasunga vapositori vakavaisa muJeri ravanhu vose. Asi usiku mutumwa waMwari akazarura makonhi ejeri akavaburitsa ndokuvati, “Endai mundomira muTemberi mutaure kuvanhu mazwi ezveUpenyu uhwu.” Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora. Asi mapurisa pavakasvika, havana kuvawana muJeri. Vakadzokera vakavataurira vakati, “Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.” Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi. Mumwe munhu akauya akavataurira achiti, “Varume vamakaisa mujeri, vamire muTemberi vari kudzidzisa vanhu.” Ipapo mukuru wapaTemberi namapurisa vakaenda vakandovatora pasina muchokoto nokuti vaitya kutemwa namatombo navanhu.
Mabasa 5:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino muprista mukuru akasimuka, naʋose ʋaiʋa naye (ʋaiʋa ʋedzidziso yaʋaSaduse), ʋanegoɗo kwaɀo; ʋakaɓata ʋaapostora ʋakaʋaisa mutoroŋgo maipinzwa ʋanhu ʋose. Asi mutumŋa waShe wakazarura mikoʋa yetoroŋgo ʋusiku, akaʋaɓuɗisa, akati: Endai, mumire mutembere mucitaura kuʋanhu mashoko ose oƲupenyu ubgu. Ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakapinda mutembere maŋgwanani, ʋakadzidzisa. Ɀino muprista mukuru naʋaiʋa naye, ʋakaȿika, ʋakakokera makurukota neʋuŋgano yose yaʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakatumira ʋanhu kutoroŋgo kuzoʋuya naʋo. Asi ʋaranda ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakawana ʋasi’mo mutoroŋgo; ʋakadzoka, ʋakaʋaʋudza iɀoɀo, ʋaciti: Toroŋgo takaiwana yakazarirwa ɀakasimba kwaɀo, naʋarindi ʋakarindira pamikoʋa; asi takati ticizarura, tikasawana munhu mukati. Ɀino mukuru wetembere, naʋaprista ʋakuru, ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo, ʋakakaŋganiswa pamsoro paɀo, ʋasiŋgaziʋi kuti ɀinozoɗini. Ipapo mumŋe munhu akaȿika, akaʋaʋudza, aciti: Tarirai, ʋarume ʋamakaisa mutoroŋgo, ʋaʋa mutembere, ʋamire ʋacidzidzisa ʋanhu. Ɀino mukuru naʋatariri ʋakaenda, ʋakaʋuya naʋo, ʋasiŋgaiti nesimba, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu, kuti ʋaŋgatakwa namabge.