Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 5:17-26

Mabasa 5:17-26 SNA2002

Zvino mupristi mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhusi), vane godo kwazvo; vakabata vapostori vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. Asi mutumwa waIshe wakazarura misuo yetorongo usiku, akavabudisa, akati, “Endai, mumire mutemberi muchitaura kuvanhu mashoko ose oupenyu uhwu.” Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo. Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo vakadzoka, vakavaudza izvozvo, vachiti, “Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.” Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini. Ipapo mumwe munhu akasvika, akavaudza, achiti, “Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutemberi, vamire vachidzidzisa vanhu.” Zvino mukuru navatariri akaenda, akauya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu, kuti vangatakwa namabwe.

Verenga chikamu Mabasa 5