Mabasa 4:13-31
Mabasa 4:13-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.” Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.” Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana. Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo. Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti: “ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuzorwa naIshe uye noMuzodziwa Wake.’ Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete neveDzimwe Ndudzi uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza. Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika. Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.” Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Mabasa 4:13-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho. Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo, vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.” Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa; nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo. Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo; makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti, ‘Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakaungana pamwechete, Kurwa naIshe naKristu wake.’ “Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza; kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe. Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu vasingatongotyi, mutambanudze ruoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.” Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Mabasa 4:13-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, “Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana. Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu, “ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto, marudzi avanhu vachiita bangano risina maturo. Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana, vatongi vachitoitira Tenzi nomuzodzwa wake bangano.’ “Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike. Zvino, Tenzi chitarisai kutyisidzira kwavo, mupe kuti varanda venyu vataure shoko renyu nechivindi chaicho imi makasimudza ruoko rwenyu kuti rurape uye muitewo kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita romuranda wenyu mutsvene, Jesu.” Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi.
Mabasa 4:13-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco. Ɀino ʋakati ʋaʋaraira kuti ʋaɓuɗe paʋuŋgano, ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Ʋanhu aʋa ticaʋaita seiko? Nokuti ʋanhu ʋose ʋagere Jerusarema ʋaʋona kwaɀo kuti ciratidzo caitwa naʋo; hatigoni kuramba isu. Asi ŋgatiʋanyeʋere kuti ʋarege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti ɀirege kuramba ɀiciparadzirwa pakati paʋanhu. Ʋakaʋaɗana, ʋakaʋaraira kuti ʋarege cose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petro naJohane ʋakapindura, ʋakati kwaʋari: Toŋgai henyu imi, kana ɀiŋgaʋa ɀakarurama pamberi paMŋari, kuti titerere imi kupfuʋura Mŋari. Nokuti hatigoni isu kurega kutaura ɀatakaʋona, neɀatakanzwa. Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa; nokuti munhu wakaŋga aitirwa ciratidzo ici wakaŋga anamakore makumi manna anemiraʋudzo. Ʋakati ʋaregedzwa, ʋakaenda kunoʋokwaʋo, ʋakandoʋaʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naʋaprista ʋakuru naʋakuru. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; makareʋa noMŋeya Mutȿene, nomuromo waɓaɓa ʋeɗu Davidi, muranda wenyu, muciti: Ʋahedeni ʋakaitireiko hasha, Naʋanhu ʋakafuŋgireiko ɀisinamaturo? Madzimambo enyika akamuka, Naʋaɓati ʋakaʋuŋgana pamŋe cete, Kurwa naShe naKristu wake. Nokuti ɀirokwaɀo Herode, naPontio Pirato, naʋahedeni, naʋanhu ʋaIsraeri ʋakaʋuŋganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutȿene, wamakazodza; kuti ʋaite ɀose ɀakaŋga ɀatemŋa noruʋoko rwenyu, napakufuŋga kwenyu, kuti ɀiitwe. Ɀino, Ishe, tarirai kunyeʋera kwaʋo, muɓatsire ʋaranda ʋenyu kuti ʋataure shoko renyu ʋasiŋgatoŋgotyi, mutambanudze ruʋoko rwenyu kuzoporesa; neɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutȿene. Ɀino ʋakati ʋanyeŋgetera, nɀimbo yaʋakaŋga ʋakaʋuŋgana pairi ikazunuŋguswa; ʋakazadzwa ʋose noMŋeya Mutȿene, ʋakataura shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
Mabasa 4:13-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)