Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco. Ɀino ʋakati ʋaʋaraira kuti ʋaɓuɗe paʋuŋgano, ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Ʋanhu aʋa ticaʋaita seiko? Nokuti ʋanhu ʋose ʋagere Jerusarema ʋaʋona kwaɀo kuti ciratidzo caitwa naʋo; hatigoni kuramba isu. Asi ŋgatiʋanyeʋere kuti ʋarege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti ɀirege kuramba ɀiciparadzirwa pakati paʋanhu. Ʋakaʋaɗana, ʋakaʋaraira kuti ʋarege cose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petro naJohane ʋakapindura, ʋakati kwaʋari: Toŋgai henyu imi, kana ɀiŋgaʋa ɀakarurama pamberi paMŋari, kuti titerere imi kupfuʋura Mŋari. Nokuti hatigoni isu kurega kutaura ɀatakaʋona, neɀatakanzwa. Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa; nokuti munhu wakaŋga aitirwa ciratidzo ici wakaŋga anamakore makumi manna anemiraʋudzo.
Ʋakati ʋaregedzwa, ʋakaenda kunoʋokwaʋo, ʋakandoʋaʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naʋaprista ʋakuru naʋakuru. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; makareʋa noMŋeya Mutȿene, nomuromo waɓaɓa ʋeɗu Davidi, muranda wenyu, muciti:
Ʋahedeni ʋakaitireiko hasha,
Naʋanhu ʋakafuŋgireiko ɀisinamaturo?
Madzimambo enyika akamuka,
Naʋaɓati ʋakaʋuŋgana pamŋe cete,
Kurwa naShe naKristu wake.
Nokuti ɀirokwaɀo Herode, naPontio Pirato, naʋahedeni, naʋanhu ʋaIsraeri ʋakaʋuŋganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutȿene, wamakazodza; kuti ʋaite ɀose ɀakaŋga ɀatemŋa noruʋoko rwenyu, napakufuŋga kwenyu, kuti ɀiitwe. Ɀino, Ishe, tarirai kunyeʋera kwaʋo, muɓatsire ʋaranda ʋenyu kuti ʋataure shoko renyu ʋasiŋgatoŋgotyi, mutambanudze ruʋoko rwenyu kuzoporesa; neɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutȿene. Ɀino ʋakati ʋanyeŋgetera, nɀimbo yaʋakaŋga ʋakaʋuŋgana pairi ikazunuŋguswa; ʋakazadzwa ʋose noMŋeya Mutȿene, ʋakataura shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.