Mabasa 27:21-26
Mabasa 27:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku. Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa. Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’ Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza. Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”
Mabasa 27:21-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati, “Varume, maifanira kunditeerera, mukasabva Kiriti, mukasawirwa nokutambudzika nokurasikirwa uku. Asi zvino ndinokurayirai kuti mutsunge mwoyo; nokuti hakuna angarasikirwa noupenyu hwake pakati penyu, asi chikepe bedzi. Nokuti usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumirawo, akamira neni, akati, ‘Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe.’ Naizvozvo, varume, tsungai mwoyo, nokuti ndinotenda Mwari, kuti zvichaitika sezvandakaudzwa. Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.”
Mabasa 27:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvo vakanga vagara kwenguva ndefu vasina chokudya Pauro akauya mberi pakati pavo akati, “Varume mungadai makanditeerera makarega kubva kuKiriti uye mungadai musina kupinda mukukuvara uku nokurasikirwa uku. Ndinokukurudzirai kuti tsungai mwoyo nokuti hapana achafa pakati penyu kusiya kurasikirwa nechikepe, nokuti ihwo husiku hwanhasi uhu mutumwa waMwari wangu wandinonamata akamira pedyo neni akati, ‘Usatye Pauro, unofanira kundomira pamberi paSiza. Chinzwa Mwari akupa vose vauri kufamba navo nechikepe.’ Naizvozvo tsungai mwoyo varume nokuti ndine chivimbo muna Mwari chokuti zvichangoitika sezvandaudzwa. Asi tichanonzi njo pane chimwe chitsuwa.”
Mabasa 27:21-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋagara ŋguʋa refu ʋasiŋgadyi, Pauro akamira pakati paʋo, akati: Ʋarume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku. Asi ɀino ndinokurairai kuti mutsuŋge mŋoyo; nokuti hakunauŋgarashikirwa noʋupenyu bgake pakati penyu, asi cikepe ɓedzi. Nokuti ʋusiku bguno mutumŋa waMŋari, wandiri wake, nowandinoshumira ʋo, wakamira neni, akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mŋari wakakupa ʋose ʋanofamba newe mucikepe. Naiɀoɀo, ʋarume, tsuŋgai mŋoyo, nokuti ndinotenda Mŋari, kuti ɀicaitika seɀandakaʋudzwa. Asi tinofanira kukandirwa panecimŋe ciwi.
Mabasa 27:21-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)