Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 25:13-27

Mabasa 25:13-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi. Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi. Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe. “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera. Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare. Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira. Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu. Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi. Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.” Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati. Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona murume uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu. Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma. Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora. Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:13-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agiripa naBherinike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Fesito. Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa; ndichiri paJerusaremu, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira kuti atongerwe rufu. Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo. Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo. Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo; asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, noomumwe Jesu akanga afa, ainzi naPauro mupenyu. “Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunziro wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusaremu kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo. Asi Pauro akati akumbira kuti achengetwe kuzotongwa namambo mukuru, ndikarayira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene.” Iye akati, “Mangwana muchamunzwa.” Fume mangwana Agiripa akati asvika naBherinike, vashonga kwazvo, vapinda mumba maitambirwa mhaka, navakuru vechiuru chamazana, navakuru veguta, vakauya naPauro varayirwa naFesito. Zvino Fesito akati, “Mambo Agiripa, nemi varume vose vaneni, munoona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusaremu napano, vakadanidzira, vachiti, ‘Haafaniri kuva mupenyu.’ Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye zvaakakumbira kuiswa kuna mambo mukuru, ndakati, ndichamutuma. Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora. Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswiwo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:13-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi. Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.” Agiripa akati kuna Fesetusi, “Ndingade ini pachangu kunzwa murume uyu.” Iye akati, “Muchamunzwa mangwana.” Pazuva ramangwana acho Agiripa naBhenisi vakauya vakashongashonga kwazvo. Vakapinda mumba yedare redzimhosva pamwechete navakuru vakuru vemuhondo navakuru vakuru vomuguta. Pauro akaunzwamo zvataurwa naFesitusi kuti aunzwe. Fesitusi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano. Tarisai muone munhu uyu wandakakumbirwa navanhu vose vechiJudha vari Jerusaremu navari kuno vachitodaidzira kuti haambofanira kuramba ari mupenyu. Asi ndakaona kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu, uye sokukumbira kwaakaita iye pachake kuti mhosva yake isvitswe pana Mambo mukuru, ndakafunga zvokumutumira ikoko. Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora nokuti kwandiri zvinhu zvisina musoro kuti nditumire musungwa ndisina kureva mhosva dzaari kupiwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:13-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, mambo Agripa naBerinike ʋakaȿika Kesaria kuzokwazisa Festo. Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa; ndiciri paJerusarema, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamumhaŋarira, ʋacikumbira kuti atoŋgerwe rufu. ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo. Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo. Ɀino ʋapomeri ʋakasimuka, asi haʋana‐kumupomera mhoȿa yeɀinhu ɀakaipa ɀandakaŋga ndiciti ʋacamupomera naɀo; asi ʋakaŋga ʋanamamŋe mashoko okupira kwaʋo, noomumŋe Jesu wakaŋga afa, wainzi naPauro mupenyu. Ɀino ini, ɀandakaŋga ndisiŋgaziʋi mubvunzire weɀinhu ɀakaɗai, ndikabvunza kana aciɗa kuenda Jerusarema kundotoŋgwa ikoko pamsoro peɀinhu iɀoɀo. Asi Pauro wakati akumbira kuti aceŋgetwe kuzotoŋgwa namambo mukuru, ndikaraira kuti aceŋgetwe kuȿikira ndicimutumira kunaKesari. Ipapo Agripa akati kunaFesto: Neni ndinoɗa kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Maŋgwana mucamunzwa. Fume maŋgwana Agripa wakati aȿika naBerinike, ʋashoŋga kwaɀo, ʋapinda mumba maitambirwa mhaka, naʋakuru ʋecuru camazana, naʋakuru ʋeguta, ʋakaʋuya naPauro ʋarairwa naFesto. Ɀino Festo akati: Mambo Agripa, nemi ʋarume ʋose ʋaneni, munoʋona munhu uyu, wandakanyeŋgeterwa naʋaJuda ʋose paJerusarema napano, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Haafaniri kuʋa mupenyu. Asi ini ndakawana kuti haana‐kuita cinhu cakafanira rufu, ʋuye ɀaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndicamutuma. Asi handineshoko kwaro reɀokwaɗi randiŋganyorera ishe pamsoro pake; saka ndaʋuya naye pamberi penyu, ɀikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigoʋa neɀandiŋganyora. Nokuti kwandiri ɀakaita seɀisina‐kufanira kutuma musuŋgwa, mhoȿa dzaakakwirirwa nadzo dzisiŋgaziʋiswi ʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 25

Mabasa 25:13-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)