Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 25:13-27

Mabasa 25:13-27 SCLBD

Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi. Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.” Agiripa akati kuna Fesetusi, “Ndingade ini pachangu kunzwa murume uyu.” Iye akati, “Muchamunzwa mangwana.” Pazuva ramangwana acho Agiripa naBhenisi vakauya vakashongashonga kwazvo. Vakapinda mumba yedare redzimhosva pamwechete navakuru vakuru vemuhondo navakuru vakuru vomuguta. Pauro akaunzwamo zvataurwa naFesitusi kuti aunzwe. Fesitusi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano. Tarisai muone munhu uyu wandakakumbirwa navanhu vose vechiJudha vari Jerusaremu navari kuno vachitodaidzira kuti haambofanira kuramba ari mupenyu. Asi ndakaona kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu, uye sokukumbira kwaakaita iye pachake kuti mhosva yake isvitswe pana Mambo mukuru, ndakafunga zvokumutumira ikoko. Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora nokuti kwandiri zvinhu zvisina musoro kuti nditumire musungwa ndisina kureva mhosva dzaari kupiwa.”

Verenga chikamu Mabasa 25