Mabasa 24:22-27
Mabasa 24:22-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.” Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda. Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu. Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.” Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye. Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.
Mabasa 24:22-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Ferikisi, zvaakazivisisa zvakanaka Nzira iyo, akavavetsa, achiti, “Kana Risiya, mukuru wechiuru chamazana aburukira pano ndichanatsobvunzisisa mhaka yenyu.” Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, uye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira. Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Ferikisi akasvika, nomukadzi wake Dhurusira, aiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kuna Kristu Jesu. Zvino akati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya, Ferikisi akatya zvikuru, akapindura, akati, “Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.” Akatiwo zvimwe achazopiwa mari naPauro; naizvozvo akamudana kazhinji, achitaura naye. Asi makore maviri akati apera, Pokio Fesito akapinda panzvimbo yaFerikisi, zvino Ferikisi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.
Mabasa 24:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Ferekisi, munhu akanga achiziva zvinhu zvizhinji nezveNzira yechikristu, akamisa dare achiti, “Kana Risiasi, mukuru mukuru wamasoja adzika kuno ndipo pandichapedzisa nyaya yako.” Ipapo akaudza mutungamiri wezana kuti Pauro anofanira kuchengetedzwa ari muusungwa asi aine rusununguko rwakati kuti uye kuti hapana shamwari dzake dzinorambidzwa kumuwanisa zvinomubatsira kurarama. Mushure memazuva akati kuti, Ferekisi akauya nomudzimai wake, Dhurusira akanga ari muJudha. Akadaidza Pauro akamunzwa achitaura nezvechitendero muna Kristu Jesu. Pauro paairondedzera nezvoruenzaniso nezvokuzvibata nezvokutongwa kuchauya, Ferekisi zvakamutyisa akati parizvino chimboenda zvako kana ndawana nguva ndichazokudaidza. Panguva imwecheteyo aitarisira kupiwa pfumbamuromo naPauro, saka aimudaidza kakawanda achitaura naye. Kuzoti makore maviri apera Ferekisi akatsiviwa naPokiusi Fesitusi. Pamusana pokuda kufadza vaJudha Ferekisi akasiya Pauro ari mujeri.
Mabasa 24:22-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Feriksi, ɀaakaziʋisisa ɀakanaka Nzira iyo, akaʋaʋetsa, aciti: Kana Risia, mukuru wecuru camazana aɓurukira pano, ndicanatso‐bvunzisisa mhaka yenyu. Akaraira mukuru wezana kuti Pauro aceŋgetwe, arerusirwe, ʋuye kuti ʋarege kudziʋisa mumŋe wokwake kumushumira. Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, Feriksi akaȿika, nomukadzi wake Drusira, waiʋa muJuda, akaɗana Pauro, akamunzwa pamsoro pokutenda kunaKristu Jesu. Ɀino wakati acitaura ɀokururama, nokuɀidzora, nokutoŋga kunoʋuya, Feriksi akatya ɀikuru, akapindura, akati: Enda hako ɀino; kana ndikazoʋa neŋguʋa yakanaka, ndicakuɗana. Wakati ʋo ɀimŋe ucazopiwa mari naPauro; naiɀoɀo wakamuɗana kazhinji, acitaura naye. Asi makore maʋiri akati apera, Porkio Festo akapinda panɀimbo yaFeriksi, ɀino Feriksi aciɗa kufadza ʋaJuda, akasiya Pauro akasuŋgwa.
Mabasa 24:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)