Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 24

24
Pauro anomira pamberi paFerikisi
1Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati. 2Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu. 3Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose. 4Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.
5“Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta 6uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata. 7Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba. 8Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”
9VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.
10Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire. 11Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema. 12Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta. 13Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira. 14Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita, 15uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. 16Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.
17“Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu. 18Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga. 19Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni. 20Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha, 21kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ”
22Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.” 23Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda.
24Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu. 25Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.” 26Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.
27Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 24: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda