Mabasa 24:1-21
Mabasa 24:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati. Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu. Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose. Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku. “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata. Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba. Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.” VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire. Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema. Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta. Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira. Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita, uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu. “Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu. Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga. Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni. Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha, kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ”
Mabasa 24:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi, mupristi mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, ainzi Terituro; vakamhan'arira Pauro kumubati. Iye akati adanwa, Terituro akatanga kumupomera mhosva achiti, “Zvatinoona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka; tinozvigamuchira nemitoo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Ferikisi akakurumbira zvikuru. Asi, zvandisingadi kukunonotsai, ndinokumbira kwamuri, kuti mutinzwe nengoni dzenyu zvishomanene. Nokuti takaona kuti murume uyu wakashata kwazvo, anomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni. Iye akaidzawo kushatisa temberi, tikamubata, [tichida kumutonga nomurayiro wedu. Asi Risiya, mukuru wechiuru chamazana, ndokuuya, akamubvisa mumaoko edu nesimba guru, akarayira vanomupomera kuti vauye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.” NavaJudha vakabvumirawo pakumhan'ara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo. Zvino mubati akati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro, nokuti munzwe kuti mazuva achigere kupfuura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusaremu kundonamata. “Havana kundiwana ndichiita nharo mutemberi nomunhu, kana muguta; havangagoniwo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino. Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurayiro nezvakanyorwa pavaporofita; ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama. “Pachinhu ichi ndinoedza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nokuvanhu. “Zvino makore mazhinji akati apfuura, ndakauya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu. “Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutemberi, ndanatswa, ndisina vanhu vazhinji, kana bopoto; asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo, ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni. “Kunyange navava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota, asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti, ‘Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.’ ”
Mabasa 24:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa mashanu akati apfuʋura, Ananiasi, muprista mukuru, akaɓuruka naʋamŋe ʋakuru, nomumŋe mureʋeri, wainzi Terturo; ʋakamhaŋarira Pauro kumuɓati. Iye akati aɗanwa, Terturo akataŋga kumupomera mhoȿa aciti: Ɀatinoʋona rugare rukuru nemi, norudzi urwu ɀarunoruramisirwa mhoȿa nokuɓata kwenyu kwakanaka; tinoɀigamucira nemitoʋo yose napanɀimbo dzose nokuʋoŋga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira ɀikuru. Asi, ɀandisiŋgaɗ’i kukunonosai, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti mutinzwei neŋgoni dzenyu ɀishomanene. Nokuti takaʋona kuti murume uyu wakashata kwaɀo, unomutsa ɓope paʋaJuda ʋose panyika dzose, ari mutuŋgamiriri weɓoka raʋaNazareni. Iye wakaidza ʋo kushatisa tembere, tikamuɓata, [ticiɗa kumutoŋga nomurairo weɗu. Asi Risia, mukuru wecuru camazana, ndokuʋuya, akamubvisa mumaʋoko eɗu nesimba guru, akaraira ʋanomupomera kuti ʋaʋuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, mucagona kuziʋa iɀoɀo ɀose ɀatakamukwirira naɀo. NaʋaJuda ʋakabvumira ʋo pakumhaŋara, ʋakasimbisa kuti ɀinhu iɀoɀo ndiɀo. Ɀino muɓati wakati amuninira, kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Ɀandinoziʋa kuti maʋa mutoŋgi waʋanhu aʋa makore mazhinji, ndinoɀiɗaʋirira nomufaro, nokuti munzwe kuti mazuʋa acigere kupfuʋura gumi namaʋiri, kubvira paŋguʋa yandakakwira Jerusarema kundonamata. Haʋana‐kundiwana ndiciita nharo mutembere nomunhu, kana kumutsa ɓope mumasinagoge kana muguta; haʋaŋgagoni ʋo kusimbisa kwamuri iɀo ɀaʋanondipomera naɀo ɀino. Asi ndinotenda haŋgu kwamuri, kuti ndinoshumira Mŋari wamadziɓaɓa eɗu neNzira, yaʋanoti idzidziso yakatsauka, ndicitenda ɀose ɀomurairo neɀakanyorwa paʋaprofita; ndinetariro kunaMŋari, iyo yaʋanotenda ʋo ʋamene, kuti kucaʋa’po kumuka kwaʋakafa kwaʋakarurama naʋasakarurama. Pacinhu ici ndinoidza ɀikuru kuti misi yose ndiʋe nehana isinemhoȿa kunaMŋari nokuʋanhu. Ɀino makore mazhinji akati apfuʋura, ndakaʋuya neɀipo neɀiɓayiro kuʋanhu ʋaŋgu. Ndiɀoɀo ɀaʋakandiwana ndiciita mutembere, ndanatswa, ndisinaʋanhu ʋazhinji, kana ɓopoto; asi ʋamŋe ʋaJuda ʋeAsia ʋaiʋa’po, — iʋo ʋaifanira kuʋa pano pamberi penyu, kundipomera mhoȿa, kana ʋaiʋa necinhu neni. Kunyaŋge naʋaʋa ŋgaʋareʋe ʋamene cisakarurama caʋakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota, asi shoko iri ɓedzi, randakaɗanidzira, ndimire pakati paʋo, ndiciti: Ndinotoŋgwa nhasi pamsoro pokumuka kwaʋakafa.