Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 19:1-20

Mabasa 19:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.” Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.” Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.” Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita. Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose. Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari. Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano. Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe. Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro, zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari. Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.” Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo. Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?” Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa. Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa. Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu. Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, akati kwavari, “Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here?” Vakati kwaari, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene aripo.” Akati, “Ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohani.” Zvino Pauro akati, “Johani akabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwokutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye Jesu.” Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita. Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri. Zvino akapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko oushe hwaMwari. Asi vamwe vakati vachiomesa mwoyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji, akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano. Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe, vaJudha navaGiriki. NaMwari akaita masimba anoshamisa namaoko aPauro, nokudaro micheka nenguo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda. Zvino vamwe vaJudha, vauki, vaipotapota, vakaidza kudana zita ralshe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti, “Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.” Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, ainzi Sikeva, mupristi mukuru, vaiita izvozvo. Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari, “Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vanaaniko?” Ipapo munhu aiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasina nguo, vakuvadzwa. Izvozvo zvikazikanwa navose, vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita ralshe rikakudzwa. Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya, vakareurura, nokurondedzera zvamabasa avo. Navamwe vazhinji vaiita un'anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivha ane zviuru zvina makumi mashanu. Naizvozvo shoko ralshe rikakura nesimba, rikakunda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki. Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari. Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.” Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo. Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.” Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara. Izvi zvakazivikanwa navagari vose vokuEfesusi, vose vaJudha navaGiriki. Vose vakawirwa nokutya. Zita raTenzi Jesu rikaremekedzwa. Vazhinji vaiva vatendi vakauya vachireurura nokuburitsa pachena zvavaiita. Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha. Ipapo shoko raTenzi rakakura rikaenderera mberi nesimba.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Aporo aciri paKorinte, Pauro wakati agura namatiʋi enyika okumsoro, akaȿika Efeso, akawana ʋamŋe ʋadzidzi, akati kwaʋari: Makagamucira Mŋeya Mutȿene pakutenda kwenyu here? Ʋakati kwaari: Kwete, hatina‐kutoŋgonzwa kuti Mŋeya Mutȿene uri’po. Akati: Ko makabapatidzwa norubapatidzo rwupiko? Ʋakati: Norubapatidzo rwaJohane. Ɀino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendeʋuka, aciʋudza ʋanhu kuti ʋatende kunaiye unozoʋuya shure kwake, iye Jesu. Ʋakati ʋaɀinzwa iɀoɀo, ʋakabapatidzwa muzita raShe Jesu. Ɀino Pauro wakati aisa maʋoko ake pamsoro paʋo, Mŋeya Mutȿene akaʋuya pamsoro paʋo, ʋakataura nendimi, ʋakaprofita. Iʋaʋo ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge gumi naʋaʋiri. Ɀino wakapinda musinagoge, akataura asiŋgatyi mŋedzi mitatu, acitaurirana naʋo, aciʋagombedzera namashoko oʋushe bgaMŋari. Asi ʋamŋe ʋakati ʋaciwomesa mŋoyo, ʋasiŋgatereri, ʋaciɀidza Nzira iyo pamberi paʋazhinji, akabva kwaʋari, akatsaura ʋadzidzi, akataurirana naʋo zuʋa rimŋe nerimŋe mucikoro caTirano. Iɀoɀo ɀikaitwa makore maʋiri; nokuɗaro ʋose ʋakaŋga ʋagere paAsia ʋakanzwa shoko raShe, ʋaJuda naʋaGiriki. NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro, nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda, ʋaʋuki, ʋaipota‐pota, ʋakaidza kuɗana zita raShe Jesu pamsoro paʋaiʋa nemŋeya yakaipa, ʋaciti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro. Ʋaiʋa ʋanakomana ʋanomŋe ʋomumŋe muJuda, wainzi Skeva, muprista mukuru, ʋaiita iɀoɀo. Mŋeya wakaipa ukapindura, ukati kwaʋari: Jesu ndinomuziʋa, naPauro ndinomuziʋa, asi imi ndimi ʋananiko? Ipapo munhu waiʋa nomŋeya wakaipa akaʋamukira simba, akaʋakurira ʋose ʋari ʋaʋiri, akaʋakunda; nokuɗaro ʋakatiza mumba imomo, ʋasineŋguʋo, ʋakuʋadzwa. Iɀoɀo ɀikazikanwa naʋose, ʋaJuda naʋaGiriki, ʋakaŋga ʋagere Efeso ʋakatya ʋose, zita raShe Jesu rikakudzwa. Ɀino ʋazhinji ʋaʋakaŋga ʋatenda ʋakaʋuya, ʋakaɀireʋurura, nokurondedzera maɓasa aʋo. Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu. Naiɀoɀo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 19

Mabasa 19:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)