Ɀino Aporo aciri paKorinte, Pauro wakati agura namatiʋi enyika okumsoro, akaȿika Efeso, akawana ʋamŋe ʋadzidzi, akati kwaʋari: Makagamucira Mŋeya Mutȿene pakutenda kwenyu here? Ʋakati kwaari: Kwete, hatina‐kutoŋgonzwa kuti Mŋeya Mutȿene uri’po. Akati: Ko makabapatidzwa norubapatidzo rwupiko? Ʋakati: Norubapatidzo rwaJohane. Ɀino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendeʋuka, aciʋudza ʋanhu kuti ʋatende kunaiye unozoʋuya shure kwake, iye Jesu. Ʋakati ʋaɀinzwa iɀoɀo, ʋakabapatidzwa muzita raShe Jesu. Ɀino Pauro wakati aisa maʋoko ake pamsoro paʋo, Mŋeya Mutȿene akaʋuya pamsoro paʋo, ʋakataura nendimi, ʋakaprofita. Iʋaʋo ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge gumi naʋaʋiri.
Ɀino wakapinda musinagoge, akataura asiŋgatyi mŋedzi mitatu, acitaurirana naʋo, aciʋagombedzera namashoko oʋushe bgaMŋari. Asi ʋamŋe ʋakati ʋaciwomesa mŋoyo, ʋasiŋgatereri, ʋaciɀidza Nzira iyo pamberi paʋazhinji, akabva kwaʋari, akatsaura ʋadzidzi, akataurirana naʋo zuʋa rimŋe nerimŋe mucikoro caTirano. Iɀoɀo ɀikaitwa makore maʋiri; nokuɗaro ʋose ʋakaŋga ʋagere paAsia ʋakanzwa shoko raShe, ʋaJuda naʋaGiriki. NaMŋari wakaita masimba anoshamisa namaʋoko aPauro, nokuɗaro miceka neŋguʋo, ɀaibva pamuʋiri wake, ɀaiiswa kuʋarwere, hosha dzikabva kwaʋari, nemŋeya yakaipa ikaɓuɗa. Ɀino ʋamŋe ʋaJuda, ʋaʋuki, ʋaipota‐pota, ʋakaidza kuɗana zita raShe Jesu pamsoro paʋaiʋa nemŋeya yakaipa, ʋaciti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro. Ʋaiʋa ʋanakomana ʋanomŋe ʋomumŋe muJuda, wainzi Skeva, muprista mukuru, ʋaiita iɀoɀo. Mŋeya wakaipa ukapindura, ukati kwaʋari: Jesu ndinomuziʋa, naPauro ndinomuziʋa, asi imi ndimi ʋananiko? Ipapo munhu waiʋa nomŋeya wakaipa akaʋamukira simba, akaʋakurira ʋose ʋari ʋaʋiri, akaʋakunda; nokuɗaro ʋakatiza mumba imomo, ʋasineŋguʋo, ʋakuʋadzwa. Iɀoɀo ɀikazikanwa naʋose, ʋaJuda naʋaGiriki, ʋakaŋga ʋagere Efeso ʋakatya ʋose, zita raShe Jesu rikakudzwa. Ɀino ʋazhinji ʋaʋakaŋga ʋatenda ʋakaʋuya, ʋakaɀireʋurura, nokurondedzera maɓasa aʋo. Naʋamŋe ʋazhinji ʋaiita ʋuŋaŋga, ʋakaʋuŋganidza buku dzaʋo, ʋakadzipisa pamberi paʋose; ʋakaʋereŋga muteŋgo wadzo, ʋakawana kuti waiʋa masirveri aneɀuru ɀinamakumi mashanu. Naiɀoɀo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.